Akapondera tete dhishi

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Walter Mswazie ari kuMASVINGO
MURUME wechidiki wekwaChivi anonzi akaponda tete vake achiita vekurakasha mumusoro nehuyo mushure mekunge vakakavadzana naye nekuda kwedhishi repurasitiki.
Mapurisa ari kuvhima nemaziso matsvuku Absalom Muvengwa (26) wemubhuku raRunesu, kwaMambo Madzivire, uyo anofungidzirwa kuti anomborasika njere.
Murume uyu anonzi akatema tete vake Shambadzirai Zinhuwe (74), vemubhuku rimwe chete iri nehuyo kakawanda mumusoro zvikakonzera kuti vafe.
Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reMasvingo, Chief Inspector Charity Mazula, vanoti izvi zvakaitika mangwanani emusi weChitatu svondo radarika.
Vanoti mushure mekupara mhosva iyi, Muvengwa akabva atiza.
“Ndinotsinhira chiitiko chemurume akaponda tete vake pamusoro penyaya yedhishi rekugezera repurasitiki,” vanodaro Chief Insp Mazula.
Vanoti pazuva iri, Zinhuwe aiita mabasa ake epamba aine vamwe vehukama vanosanganisira Thomas Mutamburiro, Brighton Magura nemumwe mukomana ane makore 17 okuberekwa.
Chief Insp Mazula vanoti mukomana ane makore 17 okuberekwa uyu akazotora dhishi repurasitiki achida kunogeza asi Muvengwa – uyo aivewo pamba panguva iyi – anonzi akamurambidza kuti ashandise dhishi iri.
Muvengwa, vanodaro Chief Insp Mazura, akaudza murume uyu kuti akange atora dhishi risiriro asi akaita nharo achiti ndiro raaida kushandisa kugezera.
Chief Insp Mazuru vanoti pakaita kusanzwisisana pakati pemukomana uyu naMuvengwa zvikaita kuti varwisane.
Paakaona kuti ainge ave kukurirwa, murume uyu anonzi akabva atiza ndokunohwanda mumba.
Chief Insp Mazula vanoti Zinhuwe, uyo aive mumba panguva iyi, paakanzwa mhere-mhere yaive panze, akabva akabuda achida kuona zvaiitika, apo akaona Muvengwa akabata huyo achida kutema mukomana uyu.
Mukomana uyu anonzi akahwanda kuseri kwaZinhuwe uye Muvengwa paakapotsera huyo iya akapotsa ndokubva atema tete vake zvikaita kuti vapunzikire pasi.
Muvengwa anonzi akatanga kudzinganisa mukomana uyu asi akatadza kumubata uye akaedza kurwisa Magura naMutamburiro avo vakabva vatizawo zvakare.
Chief Insp Mazula vanoti Muvengwa akadzoka kumba apo akaona tete vake vachirere pasi vachirwadziwa zvikuru uye akabva atora huyo iya ndokuvatema-tema nayo kakawanda mumusoro.
Magura, Mutambiro nemukomana uye pavakazodzoka kumba, vakawana Zinhuwe afa mutumbi wake uri mudivi reropa apo Muvengwa aive atotiza.
Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa epaNgundu Police Base, mutumbi waZinhuwe ndokuendeswa kumochari yechipatara cheChivi District Hospital.

Share This:

Sponsored Links