Uncategorized

Akapondwa, ndokupiswa

29 Aug, 2014 - 09:08 0 Views
Akapondwa, ndokupiswa

Kwayedza

HEADGIRL MABVIRAMAPURISA ekuBuhera ari kuferefeta nyaya yemutumbi wemunhukadzi uyo wakawanikwa wakapiswa pedyo nemumugwagwa kuBikita munyaya iri kufungidzirwa nevagari veuku kuti ine chekuita nekuchekeresa.
Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, vanoti mutumbi uyu ndewemukadzi ainzi Headgirl Mabvira (39), uyo aigara nechikomba chake – Fashion Pakati (39) – panzvimbo yemabhizimisi yeMuzokomba.

Vaviri ava vaishandisa chitoro chekwaKashiri apo vairenda vose uye Pakati anonzi nemusi waChikunguru 19 akapa Headgirl chinwiwa chainzi mushonga wevhukavhuka, mukadzi uyu ndokunwa.

Chief Supt Nyathi vanoti mudzimai uyu akazotanga kurwadziwa nemudumbu zvikaita kuti aendeswe kuchipatara cheMurambinda uko akanorapwa akaita zvakanaka.

Muchakabvu uyu anonzi akadzokera kumba, uko anonzi akasvikoshaya mari yake yaikwana US$10 500 ndokubva amhan’ara nyaya iyi kumapurisa nemusi waChikunguru 23.

“Zvinonzi iri ndiro zuva rakabva rashaika mudzimai uyu zvachose zvikazoita kuti hama dzemufi uyu dzimhan’are kumapurisa kuti vaiva vashaya hama yavo. Izvo zvakaitika nemusi waChikunguru 31,” vakadaro Chief Supt Nyathi.

Mutumbi wemukadzi uyu wakazoonekwa mangwanani emusi waNyamavhuvhu 1 nevanhu vaiva mubhazi mumugwagwa weChiduku-Checheni, kuBikita kuMasvingo, apo waiva padivi pemugwagwa.

Mutyairi webhazi iri akazotaurira Peter Makaya, wekuDevure Resettlement, nyaya iyi ndokusvitswa kumapurisa ayo akanowana mutumbi uyu wakapiswa.

Mutumbi uyu wakazoendeswa kumochari yechipatara cheMasvingo, uko wakazodarikidzwa kuchipatara cheBulawayo kunoongororwa.

Chief Supt Nyathi vanoti panguva yose iyi, hama dzemufi dzaiva dzichimutsvaga. Vanonzi vakazoenda kumapurisa nemusi waNyamavhuvhu 13 vachiti vainge vanzwa nezvemutumbi wehama yavo izvo zvakaita kuti vakwanise kunoutora nekunouviga.

“Nyaya iyi ichiri kuferefetwa nemapurisa edu kuti kuzivikanwe chaizvo zvakaitika kuti akapondwa here pamwe nekutiwo aiva nenhumbu here. Tinoti kune vane ruzivo nekuda kwenyaya iyi ngavaridze nhare panhamba dzekuHarare dzinoti (04) 703 631 votaura neanenge aripo,” vakadaro Chief Supt Nyathi.

Hama dzake dzine fungiro yekuti Headgirl akapondwa nechinangwa chekuchekereswa nevemabhizimisi emunharaunda iyi.

Zvinonzi aiva nepamuviri pemwedzi mishanu, zvisinei nekuti vehukama vanoti mutumbi uyu wakazowanikwa usina mwana mudumbu.

Amai vemuchakabvu, Mai Eusebia Sarafu (75), vekwaSabhuku Gwaradzimba, kwaMushongwi kuri kuBuhera kwekare, vakatsinhira rufu rwemwana wavo vachiti akavhiiwa, mwana akaburitswa ndokunoshandiswa nevemabhizimisi.

“Mwana wangu akauraiwa rufu runorwadza. Chokwadi kufa achichekwa-chekwa semombe, ovhiiwa kuburitswa mwana, ozopiswa? Zvakaoma!” vakadaro vaine kusuwa.

Vanoti mwanasikana wavo ndiye aiva nemari achiita zvemabhizimisi paMuzokomba apo chikomba chake Mupakati akaendapo achitengesa chibage vachibva vazodanana.

“Murume uyu ane mukadzi wake kare. Akazodanana newangu mwana apo iye murume uyu airenda chimwe chechikamu chechitoro chaKashiri, ukuwo wangu mwana achishandisa rimwe divi.”

Mai Sarafu vanoti vaviri ava vange voda kusvitsa makore maviri vachigara vose, zvisinei kuti Mupakati ange asati abvisa mari yeroora.

Vakawedzera vachiti: “Nyaya iyi yakatanga muna July (Chikunguru) apo Headgirl akangotanga kurwara iye murume wacho ndokumhanya kuzonditora tikaenda tose kwaMuzokomba. Ndakasvikotaurirwa nemwana wangu kuti aiva aisirwa muchetura. Takamuendesa kuchipatara cheMurambinda uko akasvikorapwa akanzi yaiva poison.”

Vanoti murume uyu akazodzoka oga achisiya mumwe wake kuchipatara, ndokuzongoerekana mari yaiva mumba maHeadgirl yashaikwa pamwe chete nepasipoti.

Nguva pfupi yadarika, Headgirl anonzi akaenda kumukoma wake kwaMushongwi, kwakare kuBuhera, uko ainobvunzira nezvekushaikwa kwemari yake kumuporofita. Anonzi akazoteverwa nemurume wake achibva atakurwa nemotokari uye kubva musi uyu akabva akashaikwa zvachose.

“Patakamushaya waiva musi waJuly (Chikunguru) 31. Akaridza nhare achiti akanga atorwa nemurume wake, vave kuenda kwaMuzokomba uko asina kusvika. Takazotanga kumutsvaga tichimushaya,” vakadaro.

Vanoti vakazotanga kufamba kun’anga nekumaporofita vakanzi vamutsvage kuMasvingo nekuBirchenough.
“Murume ange achigara naHeadgirl akambobatwa nemapurisa akazoregwa,” vakadaro Mai Sarafu.

Vanoti vakazowana mutumbi waHeadgirl muchipatara cheMasvingo General Hospital.

Mai Sarafu vanoti mutumbi uyu unonzi wakanga wanhongwa kuZaka wakapiswa uye usina kupfeka mbatya.

“Takazonzi tiende kuZaka kwakanga kwawanikirwa mutumbi uyu, uko takanowana mbatya dzaHeadgirl dzaisanganisira jacket reblack, teneti rake, mapush eblack nepaper bag raiva nemvura yake yemuteuro yaainge apihwa yekuti atsvage mari yake yaainge abirwa. Asi nyaya inonetsa ndeyekuti mutumbi uyu takauwana wakatsva uyezve wakanga usina kupfeka,” vakadaro.

Zvakadai, mutumbi wemuchakabvu wakazovigwa kwaMushongwi kuBuhera nemusi waNyamavhuvhu 14.
Maiguru vemuchakabvu, Constancia Sarafu (84), vanoti vakarwadziwa zvikuru nemafiro akaita mwana wavo.

Mashoko avo akatsinhirwa nevaroora vavo — Elizabeth Mbewe (24) — zvose naFarirai Jobo (26), avo vakati vakagurwa kunorira nefiro yavatete vavo. Hanzvadzi yemushakabvu, Tawedzera Mabvira (29), anoti nyaya iyi akatanga kuinzwa apo vazukuru vake vakaridza nhare kwaari vachiti vaisaona amai vavo.

“Ndakavati vaende kumapurisa nemusi waAugust (Nyamavhuvhu) 2 izvo vakaita. Ndakazobva kubasa kuBirchenough apo ndakasvikomhan’ara nyaya iyi,” akadaro.

Anoti akazoonana naMupakati kuti anzwisise nezvekutsakatika kwehanzvadzi yake. “Murume (Mupakati) uyu asungwa, akaendwa naye kuBuhera Office uko takazongonzwa kuti akaregerwa,” akadaro.

Tawedzera anoti zviri pachena kuti hanzvadzi yake yakachekereswa.

“Hamheno, hatichaziva asi kuchekeresa chaiko, yekuzoshaikwa kwemari iyi humbavha zvahwo,” akadaro Tawedzera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>