Uncategorized

Akarohwa ‘home and away’

26 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Akarohwa ‘home and away’ Imbwa yakarohwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu
Murume wekwaChinhamora, kuDomboshava, anonzi akazonopedzera hasha dzake dzezvimbokoma zvekubhawa pakunoparadza midziyo nezvivakwa zvepamusha wemurume waainge arwa naye, ndokuzvambura zvipfuyo zvepo uye ndokusiya zvinhu hwangova hungwandangwanda.

VaPeter Thomas Maname (57) uyo anogara mubhuku raMaziwofa, kwaMungate, anonzi akarwisana nemumwe murume akangozivikanwa nekunzi Mangoma apo vainwa doro kushabhini inozivikanwa nekunzi kwaJulius, kuMasvosve. Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa ekwaChinhamora inova yakaitika nemusi wa16 Ndira uye ine RRB nhamba dzinoti 3340925.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro ari kuita nyaya iyoyi.

Mangoma anonzi ndiye akatanga kurova Maname mushure mekunge abvunzwa chenji yaaiva apihwa kunotengesa doro. Anonzi akanoparadza zvinhu zvinokosha $350 zvinosanganisira zumbu rehuku nekupunza mazai, kupwanya ndiro, mapoto nehari, mahwindo ndokuzopfurunura imba yehuswa.

Pamusoro pazvo, murume uyu anonzi akarova imbwa nehuku achishandisa bhutsu nematombo pamusha uyu pakaita ruzha zvipfuyo zvichitiza. VaManame vanotsinhira nyaya iyi vachiti midziyo yavo yakaparadzwa naMangoma mushure mekunge varwa kushabhini.

“Ndakarwa nemurume wandinongoziva nekuti Mangoma apo taiva kushabhini. Ndakazotiza apo akanga oda kundirova nechidhinha,” vanodaro.

Imba yakapfurunurwa

Vanoti vainwa doro masikati kuma2 apo vakapa Mangoma $2 kuti atenge doro remhando yeDiamond rinoita $0,50c kabhodhoro asi haana kudzosa chenji yavo zvikazokonzera kuti varwisane.

“Akandirova ndamubvunza chenji yangu $1,50 ini ndichibva zvangu ndazotiza. Akazomhanyira kunopedzera shungu kupwanya midziyo yangu. Nyaya iyi ndakazoimhan’ara kumapurisa uko iri kuferefetwa,” vanodaro.

Vanoti murume uyu akazonanga kumba kwavo uko kwaingova nemudzimai wavo naambuya akasvikotanga nekudzura mapango edara rendiro ndokupwanya ndiro, mapoto nehari achiita zvekurovera pasi. “Abva ipapo, akaparadza zumbu rehuku nekupunzawo mazai. Akazoenda paimba yedu yekubikira ndokupwanya mahwindo nekupfurunura imba apo anonzi aiwomba achipopota pasina akamubata kana kumudavira kusvikira apedza kuparadza zvinhu izvi. Akazorova imbwa nehuku zvikatiza pamusha,” vanodaro VaManame.

Vanoti zvakare zvinoratidza kuti murume uyu aiva neshungu dzakawandisa sezvo airova zvose huku nembwa achishandisa bhutsu nematombo apo akasvikira pakukuvadza imwe yembwa dzepamusha apa. Pamusoro pazvo, Mangoma anonzi akatsemura mubato wekii yepadhoo repamba yekubikira.

VaManame vanoti vakazonorapwa kuchipatara cheMakumbe Mission Hospital. Vanotizve havana chakaipa nemurume uyu uye akambokumbira bhasikoro ravo rikanobiwa aenda kwaMakumbe asi rikazowanikwa mushure memazuva ragurunurwa zvimwe zvinhu. Kwayedza haina kukwanisa kutaura naMangoma kuti apewo divi rake panyaya iyi.

Mudzimai waVaManame, Mai Marian Mukwaira (44), vanoti vakatovhunduka mumba umo vaiva varere vachinzwa panze pachipwanyiwa zvinhu. Pavakabuda panze kuti vanoona zvaiitika, vakawana Mangoma achiviruka nehasha achipwanya chose icho aisangana nacho.

“Ndakatya kana kutaura naye apo akasvika padara rangu rendiro ndokuridzura achibva atanga kupwanya ndiro nehari dzangu. Izvozvi handina pekubikira nepekudyira, akazotenderera ndokupwanya zumbu nemazai aivamo asati anopunza mahwindo nekupfurunura huswa hwepamba, ndokuzoenda asina kutaura neni,” vanodaro Mai Mukwaira.

Mudzimai uyu anoti akanga ava kutyira kuti vacharohwa pamwe chete naamai vake vaaiva navo, Mbuya Erika Tsuwa (72). Mbuya Tsuwa vanotiwo vaingonzwa ruzha vari mumba kuti pane zvinhu zvaipunzwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey