Akaroodza kamwana ne‘mascud ’ 4

11 Jul, 2014 - 17:07 0 Views
Akaroodza kamwana ne‘mascud ’ 4 PATRICK Marizani Mumba

Kwayedza

PATRICK Marizani Mumba

PATRICK Marizani Mumba

VAMWE sekuru vanogara kumapurazi ari pakati peNorton nekwaZvimba vakaroodza kamuzukuru kavo kane makore 13 okuberekwa nedoro rema“scud” mana ayo vakapihwa nemumwe muzvinhabhizimisi wemunzvimbo iyi. Nyaya iyi yakaitika papurazi reDamex nepakomboni yemugodhi weJoke musi weMugovera neweSvondo wadarika.

Muzvinabhizimusi ane bhawa rinonzi Muneya munzvinmbo iyi. Takudzwa Muneya, ndiye ari kupomerwa nyaya yekuti akabhadhara doro rema “scud” mana kuti azokwanisa kutora kasikana aka apo akazoenda nako kupurazi rake riri kuMusengezi.

Nyaya inoshamisa iyi yava mumawoko memapurisa.
Chikiribidi ichi chinonzi chakaitwa nasekuru vekasikana aka, Patrick Mumba (31), avo vakapihwa masikadhi 4 edoro ekuti vatengese muzukuru wavo kuna muzvinabhizimusi uyu.

Munyaya iyi, zvinonzi nemusi uyu, Patrick akabva kumba kwake ndokuenda kupurazi reManex uko kunogara kasikana aka naamai vako, Mai Alice Mumba (38). Murume uyu anonzi akanokumbira kasikana aka achiti vaida kuenda vose kumusangano kubhawa ramuzvinabhizimisi uyu riri panzvimbo yemabhizimisi yeMadzivire.

Amai vekasikana aka, vanova tete kuna Patrick, vakatsinhira nyaya yekutyorwa kwemutemo nekodzero dzemwana uyu iyi.
“Patrick ichowadi akauya pamba pangu mangwanani eSaturday akakumbira kutora mwana wangu, anova muzukuru wake, achiti aida kuti vaende kumusangano waida kuitwa nashe wekuno.

“Vakaenda vose kubhawa raManeya uko Patrick ainwa doro. Ndipo panonzi Patrick akazoti kumwana wangu aida kuti vaende vose namuzvinabhizimisi uyu kuMusengezi kune rimwe purazi rake,” vakadaro amai vemwana uyu.

Vanoti muzvinabhizimisi uyu anonzi akazotora masikadhi mana mubhawa rake achibva asiira zvakare Patrick $4 yekuzotenga rimwe doro.
“Pabhawa iri panonzi pakazouya shamwari yamuzvinabhizimisi uyu isina kuzivikanwa zita rayo nemotokari, Patrick namuzvinabhizimisi uyu vachibva vamanikidza kasikana aka kuti kapinde mumotokari umo akasvikogadzikwa pamakumbo aMuneya achibva aendwa naye kuMusengezi,” vakadaro.

Vakaenderera mberi vachiti muzvinabhizimisi uyu akataurira mwana wavo kuti ainge apa sekuru vake doro nemari yekuti aende naye kuMusengezi kuti “anomuita zvose zvaaida”. Panguva iyi zvinonzi kasisikana aka kakatombochema asi hapana akamunzwa kusvikira aendwa naye nenguva dzekuma7 manheru emusi uyu.

“Mwana wangu paakasvikwa naye kuMusengezi papurazi ramuzvinabhizimisi uyu anoti vakamumakidza kupinda mumba, ndokumugadzika pamagumbeze achimuudza kuti aitoda kuita zvaaida naye pamadiro. Aimuti akanga abhadhara sekuru vake nemasikadhi nemari.
“Mwana ari kuti akabatwa nechisimba naMuneya husiku hwese kusvikira mangwana acho,” vakadaro.

Amai vemwana vanoti shamwari yaMuneya yaiva mumba mumwe chete nevaviri ichiona zvaiitika.
Muzvinabhizimisi uyu nemumwe wake vanonzi vakazobva kuMusengezi vachienda kuNorton kune rimwe purazi uko vanonzi vakaswera nemwana uyu vachiedza kumuvaraidza kuti asazowana waaitaurira nyaya iyi ndokuzodzoka naye kuma6 dzezuva rodoka. Mwana uyu ndipo paakazosvika kumba achitaurira amai vake nyaya yose.

“Pandakashaya mwana ndakamhanya kumapurisa ekwaKutama kunotaura, paakazodzoka ndokunotaura zvakare uko takanomhan’ara kubatwa kwake,” vakadaro Mai Mumba.

“Mwana uyu achibvunzwa nemapurisa akatsanangura sekutaura kwangu. Abvunzwa kuti haana here mumwe mukomana, ataura kuti waaidanana naye muporofita wekuchechi kwedu, Madzibaba Taurai, ndiye akanga amubata zvakare kumasowe.”

Musikana uyu anonzi akati akabatwa katatu naMadzibaba Taurai. Muneya anonzi ari kuti anodanana nemwana uyu, uyuwo muporofita weJohane Masowe yeNguwo Tsvuku, Madzibaba Taurai, achinzi anodanana zvakare nekasikana aka.
Chechi iyi ndiyo inonamata amai vemwana uyu.

Muneya nasekuru vemwanasikana uyu, Patrick Mumba zvose naMadzibaba Taurai vanonzi vakambotorwa nemapurisa nekuda kwenyaya iyi.
Pakashanyirwa nzvimbo iyi neKwayedza nemusi weChipiri chino, musikana uyu aiva aenda nevamwe sekuru vake, Stuart Mumba, kuChegutu kuna babamukuru vake – VaSaidi Swedi – kuti nyaya iyi inotaurwa sezvo baba vake chaivo vainzi Chemasamba Mhamba vakashaika.

Murume akazoroora Mai Mumba, VaWiseman Thembo (38), vanoti vave kumirira kuti mapurisa aite basa rawo. Musikana uyu ndiye oga mumba mavo.

Patrick Mumba haana kuramba nyaya iyi achiti:
“Ichokwadi kuti ndakaenda kunotora muzukuru wangu kumba kwavo uko ndakasvikotaura natete kuti taida kuenda kumusangano kubhawa raMuneya uko kwaiuya Chief Chivero. Ndakamutora kuma5 zuva rodoka ndokuenda zvedu, ini ndakasvikopihwa US$4 yekutenga masikadhi 4. Iye Muneya akazotaura kuti aida kuenda kuMusengezi nemuzukuru wangu vakakwira motokari vakaenda. Zvakanoitika hamheno, ndezvake oga (muzukuru). Muzukuru wangu inzenza chaiyo,” akadaro Patrick.

Akati vaviri ava havana kutanga kuonana musi uyu sezvo vakanga vasvitsa masvondo matatu vachidanana.
“Muzukuru wangu akatanga kuuya kwandiri achiti aidanana naMuneya achiti aida kushandira kuchitoro chake apo ndakatanga kuenda naye ikoko. Ndakatombopengera Muneya nekuda kwenyaya iyi apo akamboenda naye akazomudzora mangwanani acho aine bucket remukaka. Akatenge ave kupihwa zvinhu kuchitoro kwake pachena,” akadaro sekuru uyu.

Anoti chaanoziva ndechekuti muzukuru wake aiva nevakomana vatatu vanosanganisira iye Muneya, Madzibaba Taurai naNelson avo vose akati vaiva vakagadzirira kumuroora.

“Babamudiki Mumba vakada kundirova nekuda kwenyaya iyi. Kana mapurisa vakambonditora vakandibvunza nekuda kwenyaya iyi zvakare,” akadaro.

Patrick anoti Muneya akagadzirira kuroora kasikana aka sezvo aine mombe dzakawanda.
“Hanzvadzi hombe yemuzukuru wangu inoshanda kuPixton, yakati musikana uyu ngaaende kumurume waanoda kuti vagopihwa pfuma. Izvozvi nhasi chaiye Muneya aita musangano nevehukama hwedu akavimbisa kuti anoda kuroora,” akadaro Patrick. Muneya akatiza vatori venhau zvisinei kuti ainzi aiva kumba kwake padyo nebhizimisi rake. Mudzimai waMuneya, Sipatisiwe Dumela (30), akatoshamiswa kubvunzwa nenyaya iyi achiti chishamiso kwaari.

“Mukuwasha (mutori wenha) taurai kani kuti zvakafamba sei. Saka vabva pano makuseni-seni nhasi ndiyo nyaya yavari kufambira? Iwe Patrick mirapo utaure nyaya yenyu” akadaro Sipatisiwe.

Musikana uyu haanawo kuwanikwa nekuda kwekuti akanga aenda kuChegutu.
Zvakadai, musi wakashanyirwa nzvimbo iyi Madzibaba Taurai vainzi vaiva kumapurisa kwaKutama. Mai Mumba vanoti vakanga vataurirwa nemapurisa kuti nyaya yavo yaifanirwa kuitwa nemapurisa ekuMusengezi sezvo kuri iko kwayakaitikira.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vakati vaida kumbonzwa kune vamwe vavo mafambiro chaiwo akaita nyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>