Akarova nekubira mupurisa

27 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Akarova nekubira mupurisa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MUMWE mutyairi wemotokari ari kupomerwa kurova mupurisa anoshandira mumugwagwa pamwe nekumubira $65 apo akanga asungirwa kusatevedzera mitemo yekufamba zvakanaka mumugwagwa.

Simbarashe Piyano svondo rapera akamiswa pamberi pemutongi Victoria Mashamba wedare reHarare Magistrates Courts achitarisana nemhosva mbiri – yekurova neyekubira mupurisa.

Akanzi adzoke kudare musi wa12 Mbudzi mushure mekubvisiswa $50 yebhero.

Muchuchisi Idah Maromo akaudza dare kuti mumhan’ari ndiPriviledge Fadziso Nyongani, uyo anoshanda semupurisa weZimbabwe Republic Police National Highway.

Zvinonzi masikati emusi wa23 Gunyana gore rino, Nyongani akanga ari pabasa mumugwagwa unosangana Innez Terrace naRobert Mugabe Road apo aive akapfeka mbatya dzebasa aina naConstable Maugara.

Nyongani anonzi akazoona motokari yaityairwa naPiyano ine nhamba dzinoti EJ6840 uyo asina kumira sezvinotarisirwa panzvimbo ine chikwangwari chinomuudza kuti amire.

Dare rakaziviswa kuti Nyongani akamisa Piyano achibva amira uye mushure mezvo ndokumutaurira nezvemhosva yaainge apara.

Piyano anonzi akaudza mupurisa uyu kuti akazvipira kuenda kumatare edzimhosva sezvo ainge asina mari yekubhadhara faindi.

Muchuchisi Maromo anoti Nyongani nemumwe waanoshanda naye vakabva vapinda mumotokari yaPiyano ndokumuti aityaire akananga kuHarare Central Police Station.

Piyano anonzi akabva asandura rwendo ndokunanga kuKarigamombe Centre uko akati aida kunotora chitupa chake chekutyaira.

Anonzi akadzika asi ndokusiya akakiira mapurisa aya mumotokari muya.

Mushure memaminitsi gumi, zvinonzi pamotokari iyi pakasvika chikwata chevanhu vainge vachimhanya pamwe nekudaidzira vachiti vaizouraya mapurisa aya kana vachinge vasunga Piyano kana kutora motokari yake.

Panguva yaiitika nyonga-nyonga iyi, Piyano nevamwe vake vanonzi vakabva varova Nyongani ndokumubvutira bhegi raanoisira mari yebasa rine nhamba dzinoti 0240 ndokuba $65.

Nyongani naMaugara vakazotiza vachibva vaenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa uye mari inonzi yakabiwa iyi haina kuwanikwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>