Uncategorized

Akashurwa mare kuhuni

28 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

MURUME wekuBeatrice akashurwa mare nguva yadarika apo akatanga kuzvindikitwa nezidanda pasina zvaaita nemumwe murume apo aizvifambira achibva kunotsvaga huni.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts Rekina Dzvikiti akapa Learmore Forish (29) chirango chekubvisa faindi ye$50 uye kukundikana kwake aizonodya refovhoro kwemwedzi wose mushure mekumubata nemhosva yekurova pamwe nekukuvadza Tinashe Mtetwa (31).

Muchuchisi Ntombikayise Nleya akaudza dare kuti nemusi wa16 Nyamavhuvhu gore rino munguva dzemanheru, Forish, uyo anogara kuVillage 1, Greenlands, akasangana naMtetwa anogara paGreenlands Farm apo akange achisunda ngoro yehuni achienda kumba.

Akabva atanga kumurova nedanda kumusana pasina chikonzero zvikaita kuti apunzikire pasi uye akazonunurwa neshamwari yake, Courage Komboni, kuti asaramba achimurova.

Mtetwa akatsemuka nechekumusana nekuda kwekurohwa uku.

Share This:

Sponsored Links