Akatorerwa mukadzi neshamwari

26 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Akatorerwa mukadzi neshamwari court

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
Murume akaendesa aimbova mudzimai wake kudare achiti ari kumuonesa ndondo nekumufonera pamwe nekumutevera kwose kwaanoenda zvisinei nekuti ndiye akamuramba akazonogara neshamwari yake. Evans Makuwatsine akadhonzera Tsitsi Hwashaya kuHarare Civil Court achida kuti asamufonere nekumutevera kubasa nekumba.

“Uyu aimbova mudzimai wangu asi takarambana. Zvino ave kuita basa rekuuya kubasa kwangu kana kumba kwangu achindipopotera. Ndakamboti pamwe zvichapera asi ndatoona kuti kusawirirana kwacho kuri kutowedzera,” anodaro.

Makuwatsine anoti haazive kuti dambudziko raHwashaya nderei nekuti ndiye akamuramba akaenda kunogara neshamwari yake.

“Handizive kuti dambudziko rake nderei, iye ndiye akandiramba akati ave kuda shamwari yangu yaari kugara nayo. Kana achida kutaura nezvemwana ngaataure nagogo vangu vanondiudza kana kuti iye anoudza mukoma wake vouya kuzotaura neni. Handichada hangu kutaura naye zvachose,” anodaro Makuwatsine.

Hwashaya anobvumirana nechikumbiro chekuti paite runyararo pakati pavo asi anopikisana nenyaya yekuti asataure naye achiti Makuwatsine ari kuda kunzvenga nyaya yekuchengeta mwana.

“Handina dambudziko nekuti tive nerunyararo asi haasi kuda kutaura neni nekuti ari kuda kutiza kuchengeta mwana,” anodaro Hwashaya.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Makuwatsine  gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links