Uncategorized

‘Akatorwa nenjuzu kana nevaroyi’

26 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
‘Akatorwa nenjuzu kana nevaroyi’ VaElisha Mutanga

Kwayedza

Kingstone Mapupu
Nyanzvi dzezvechivanhu dzinoti mwana wekunzi akatakurwa nechamupupuri achitamba nevamwe papurazi reRosyline Pattison, kuBeatrice, haana kufa asi kuti mupenyu uye anogona kunge akatorwa nenjuzu kana kuti nevaroyi kuburikidza nemasaramusi.

Mambo Chihota, VaRaphael Chigodora (42), vanoti nyaya yemwana uyu inoda kugadziriswa pachivanhu.

“Nyaya iyi inoda kutungamirwa nevakuru vanoita chivanhu chinodiwa kunzvimbo iyi izvo tichagara pasi nevakwegura nemakurokota angu toona kuti nyaya iyi ingabatwe sei. Inyaya inoshamisa yakaitika mudunhu rangu iyi,” vanodaro Mambo Chihota.

Sekuru Friday Chisanyu, avo vanova mukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA), vanoti pane chivanhu chikuru chakaitika pakutsakatika kwemwana uyu.

VaGeorge Kandiyero

“Kazhinji chamupupuri chinofambirana nemabasa enjuzu, mwana uyu anogona kunge akatorwa nenjuzu akanoiswa munzvimbo dzinoyera dzine mvura dzeko. Zvave kuda vakuru venzvimbo iyi vakaita semadzishe kana masvikiro nemhondoro kuti vaende vanoita chivanhu ikoko kuti mwana uyu asazosvika pakufa,” vanodaro.

Sekuru Chisanyu vanoti njuzu dzinonyanya kutakura vanhu kune mhute kana panofamba mhepo yakawanda, zvikuru chamupupuri.

“Mwana uyu kana kuri kunzi akatorwa nenjuzu, chiratidzo chekuti ane mudzimu mukuru wegombwe uchazoda kubuda paari. Tine vakawanda vaitorwa vachienda pasi pemvura, vozodzoka vave masvikiro makuru,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naSekuru Elisha Mutanga (63) vachiti mhuri yemwana uyu inofanirwa kukurumidza kuita chivanhu kuti asavhiringidzwe nenjuzu kana dziri idzo dzakamutora.

Sekuru Friday Chisanyu

Mukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti kutsakatika kwemwana uyu kune zvekuita nechivanhu.

“Hatitarisei nyaya iyi nemaziso akasiyana, sekuti dzinogona kuita njuzu kana varoyi chaivo. Saka vabereki vemwana uyu vanofanirwa kufamba kuti vazive chaicho chakamutora,” vanodaro.

Kuchiti Passmore Chinovava (33) uyo anozivikanwa saMadzibaba Prangadai wechechi yeJohane Masowe Nyenyedzi Nomwe yeNguwo Tsvuku anoti vabereki vemwana uyu vanoda kubatsirwa neminamato kuitira kuti awanikwe.

Makore mashoma adarika, Kwayedza yakaburitsa nyaya yemumwe mwana mucheche wekuGokwe, uyo anonzi akatorwa neshiri nhema, ikaenda naye mudenga denga, pashure ndokuzomunhedza apo akasvikopaikira mumuti. Izvi zvakaitika apo vabereki vemwana uyu vanonzi vaisakura mumunda, iye akarariswa nechepedyo. Iko kuGokwe zvekare, kunonzi kwakamboitika mamwe mashura apo vanhu vainge vakaungana paida kutongwa imwe nyaya vakazongoona imbwa yaivepo ichitakurwa neshiri yegondo, ndokutoendwa nayo zvachose.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey