Uncategorized

Akatyorwa hudyu imba yadhirika

23 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Akatyorwa hudyu imba yadhirika Themba Muponya

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MURUME wekwaSeke anoti akapona neburi retsono apo akatyoka hudyu zvichitevera kudhirikirwa kwaakaitwa nemba yaaipunza iye nevamwe vake kuti igovakwa patsva.

Hudyu mutezo wemunhu une bvupa rinobuda kumativi echiuno, panosangana zvidya nemuviri.

VaThemba Muponya (36) vanogara kuMurisa Phase 2, kuChitsvatsva, vari kutsvaga rubatsiro rwe$500 rwekuti vanoiswa simbi pahudyu yavo zvichitevera njodzi yakavawira.

“Ndakashevedzwa pamusha uri pedyo kuti ndinobatsira kupwanya imba vachida kuvaka patsva. Nekuda kwemwando wakanyanya uyo uri kukonzerwa nekunaya kwemvura, ndakazongoerekana ndawirwa nemudhuri ndokutyoka hudyu.

“Ndakaendeswa kuChitungwiza Central Hospital uko ndakaudzwa nemachiremba kuti ndinofanira kuiswa simbi sezvo mabhonzo angu akatyoka zvakanyanya uye vakati simbi iyi inofanira kukasika kuiswa nekuti ikanonokerwa ndinopedzisira ndawora panzvimbo yakakuvara,” vanodaro VaMuponya.

Elizabeth Ngazana

Vanoti vane mudzimai nevana vatatu uye vasati vakuvara vaikwanisa kuita mabasa emawoko asi iko zvino vanongoswera varere nekuda kwemarwadzo.

“Hatichina kana mafoni, takatengesa nekuda kwehurwere. Kana paita vangada kutibatsirawo vanotibata pafoni yehama yedu inonzi James Ngwanje panhamba dzinoti 0773 527 060,” vanodaro.

Mudzimai wavo, Mai Elizabeth Ngazana (31), vanoti vari kunetseka kunyangwe chekudya uye mumwe mwana wavo uyo ari kuenda kuchikoro ari kugarodzingirwa mari.

Mvura iri kuyerera ichipinda mudzimba — Mifananidzo naNicholas Bakili

“Kana gumbo ravo rangotanga kurwadza vanorara vachichema. Tsaona iyi yakaitika nomusi wa13 Kurume uye chiremba anoti kana vakanonokerwa, simbi yacho inogona kuzonetsa kuisa nekuti ronda rinenge raora.

“Tinokumbira kune vane tsitsi vatibatsirewo murume wangu arapwe, agone kushandirawo mhuri yake,” vanodaro.

Munzvimbo iyi, vanhu vazhinji vakanga vakavaka dzimba zvisiri pamutemo nokudaro kanzuru yeManyame Rural District Council yakazovagarisa patsva izvo zviri kuita kuti vamwe vatange kuvaka patsva.

Nzvimbo iyi iri mumatoro zvekuti dzimwe dzimba dziri kutopinda mvura, zvimbuzi zvichizara uye marara haasi kutakurwa zvinova zvinoisa upenyu hwevanhu panyatwa.

Vagari venzvimbo iyi vanokumbira kuti kanzuru yeChitungwiza neyeManyame vaise misoro pamwe chete mukuvagadzirira migwagwa nemapombi emvura nesuweji senzira yekuderedza matambidziko aya.

“Hongu tiri kugara mumatoro asi takagariswa zviri pamutemo nemakanzuru aya. Dambudziko bedzi nderekuti migwagwa haisati yagadzirwa zvekuti chero munhu akarwara maamburenzi haasviki nekuti mvura iri kungoyerera. Izvi zvinorwadza nekuti tiri kubhadhara mitero kukanzuru,” vanodaro VaRueben Moyo avo vanova mugari venzvimbo iyi.

Share This:

Sponsored Links