Uncategorized

Akaurairwa pamba nenzou

26 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Akaurairwa pamba nenzou Mumwe mukadzi wekuKariba akatakura zondo renzou inonzi yakapfurwa mushure mekunge yauraya munhu.

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MUKADZI aizvifambira ari oga mumusha weNyamhunga 2, kuKariba, anonzi akasangana nenzou ava padyo nekusvika pamba pake iyo yakazomurwisa ndokumutsika-tsika achibva azonofira kukiriniki yeko.

Tsaona iyi inonzi yakaitika padyo nedzimba dzevakoti kuNyamhunga apo Shyline Chikomo (37) uraiwa nenzou iyi. Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vanotsinhira nezvenyaya iyi.

“Tine tsaona yemudzimai ainzi Shyline Chikomo, uyo aifamba oga mambakwedza kuNyamhunga 2 achienda kumba kwake apo akasangana nenzou ikamurwisa ndokukuvara zvikuru. Akazonofira kukiriniki yeNyamhunga asati abatsirwa,” vanodaro.

Vanoti apo mukadzi uyu airwiswa nenzou, kune varume vaviri vaidarika vakazoedza kumununura asi vakatadza kumubatsira kusvikira mhuka iyi yamukuvadza zvikuru apo vakazokwanisa kuidzinga.

Zvinonzi ruzha rwaiitwa nenzou iyi panguva yayairwisa Chikomo uye nekushevedzera kwaiita varume vaviri vaiedza kubatsira, zvakazoita kuti vanhu vemunharaunda vamuke vachienda kwakaitikira tsaona iyi.

“Vanhu ava vakawana mudzimai uyu asisakwanise kumuka kana kufamba ndokumuendesa kukirniki yeNyamhunga uko akasvikofa,” vanodaro.

Insp Mabgweazara vanoyambira veruzhinji vanofamba angava masikati kana husiku kuti vangwarire mhuka dzesango idzo dzakawanda kuKariba.

“Dunhu reKariba tinoziva kuti rine mhuka dzesango dzakawanda, saka tinofanirwa kungwarira pakufamba,” vanodaro.

Mutumbi wemushakabvu uyu unonzi wakazotakurwa kuendeswa kumochari yechipatara cheKariba.

Zvinonzi nzou iyi yakazopfurwa, vagari veko ndokubvubvudzana nyama yacho.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>