Uncategorized

Akauraya shefu arambwa

0 Views

Kwayedza

Blessings Chidakwa ari kuGWERU —
MURUME wekuGweru anonzi akaponda mukadzi waaishandira, ndokuzopisira mutumbi wake mumba, mushure mekunge arambwa apo akamukanda shoko rerudo.

Emmanuel Sibanda (25) — uyo anoita mabasa epamba papurazi riri panhamba 50 Ruby Road, kuGweru — akamiswa pamberi pemutongi Musaiona Shortgame wedare reGweru Magistrates Court achipomerwa mhosva yekuponda Jerina Chipato (68) mushure mekunge amuramba apo akamupfimba.

Sibanda ari kutongwa ari mutirongo uye anotarisirwa kudzoka mudare svondo rinouya.

Mutongi Shortgame anoti kana Sibanda achida bhero, anogona kukumbira kudare guru reHigh Court.

Muchuchisi Daniel Tapfuma akaudza dare kuti nemusi wa21 Chikumi gore rino, Sibanda akapokana naChipato mushure mekunge amupfimba ndokurambwa achipa chikonzero chezera rake apo aiti muchinda uyu mudiki zvikuru kwaari. “Sibanda anonzi haana kutambira zvakanaka mashoko ekurambwa aya, zvikazokonzera kuti anhonge danda raive pedyo naye, iro raakashandisa kurovesa shefu vake vachibva vangowira pasi — ndiye zii pakarepo,” anodaro muchuchisi Tapfuma.

Anoenderera mberi achiti: “Nekutya zvaainge aita, Sibanda akabva abatidza moto muimba yekubikira umo mainge muine mutumbi waChipato, ndokutungidza huswa hwaive hwakapfirira imba uhwo hwakabva hwabatira moto ipapo.

“Izvi anonzi akazviita iri nzira yekuti vanhu vazofunga kuti Chipato ainge azviuraya. Mutumbi wemudzimai uyu wakatsva zvikuru. Sibanda anonzi akabva amhanya kunoshevedza vavakidzani kuti vazoona shefu vake achiti vainge vazviuraya nenzira yekuzvipisira mumba.”

Muchuchisi Tapfuma anoti vamwewo vavakidzani vasina kugutsikana nezvavainge vaudzwa naSibanda ndivo vakazopinda mumba yemufi vachida kunyatsoona zvaive zvaitika.

Vavakidzani ava — avo vasina kudurwa mazita avo mudare — vanonzi vakazoona hembe dzemushakabvu dzainge dzine ropa uye nharembozha yake yainge yakakandwa padivi penhumbi dzake.

Muchuchisi Tapfuma anoti mukuferefetwa kwakazoitwa nemapurisa, Sibanda akabvuma kuti ndiye akaponda Chipato.

Sibanda anonzi akaudza mapurisa kuti: “Ndainge ndarambwa nashefu vangu musi wacho, vakazondituma kunochera mvura kutsime tikava nekupokana zvikakonzera kuti nditore danda randakavaponda naro. Mutumbi wavo ndakazonoupisira mune imwe imba senzira yekuvhara mhosva iyi sezvo kwaisava kuda kwangu kuti vafe.”

Share This: