Akazvambaradza shamwarikadzi

09 Jan, 2015 - 09:01 0 Views

Kwayedza

MURUME wekuChitungwiza wekurikita shamwarikadzi yake mushure mekunge yaramba kuenda naye pabonde akazozvisikira moto muziso zvichitevera kudhonzerwa kwaakaitwa kudare reko nekuda kwenyaya iyi.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Lazarus Murendo, akapa Panganai Chifamba (22) chirango chekubvisa faindi ye$100 akati kukundikana kwake kubvisa mari iyi aizonogara mujeri kwemwedzi mumwe chete. Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa30 Zvita gore rapera munguva dzeusiku, Chifamba, wepanhamba 1058 St Mary’s, akashanyira aimbove musikana wake, Tsitsi Chabata, wepanhamba 1896 St Mary’s, achibva amuudza kuti aida kuenda naye pabonde achishandisa mazwi echisimba.

Tsitsi akapikisana nazvo zvinova zvakamugumbura achibva atangisa kumurova nembama muviri wese.

Nekuda kwekurwadziswa uku, Tsitsi akanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa izvo zvakaita kuti Chifamba asungwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey