Akupa chirauro ndiye wako

22 Feb, 2019 - 00:02 0 Views

Kwayedza

MUDZIMAI wemutungamiri wenyika First Lady Amai Mnangagwa vari kuita mabasa makuru mukusimudzira nharaunda dzakasiyana kumativi mana eZimbabwe.

Zvakare, Amai Mnangagwa ndivo patron wesangano rinobatsira vanoshaya, reAngel of Hope Foundation.

Vane chido chikuru chekusimudzira raramo yevanhu vanogara kunharaunda dzichakasaririra munyaya dzebudiriro.

Izvi zvakaona svondo rapera vachiita musangano nemadzimai emadzimambo kuState House, muHarare.

Musangano uyu waive nechinangwa chekuumba hwaro hwekuti Amai Mnangagwa vashande pamwechete nemadzimai emadzimambo mukusimudzira nharaunda dzakasiyana munyaya dzebudiriro.

Vachange vachishanda pamwechete mune zvinosanganisira mabhindauko kana kuti mapurojekiti anosimudzira nharaunda.

Mamwe emapurojekiti aya ndeakadai sekupfuya mbudzi.

Amai Mnangagwa vanoti vachatanga mabhindauko ekupfuya mbudzi nemadzimai emadzimambo kusvikira azopararira kunharaunda dzavanogara. Mapurojekiti emhando iyi akakosha zvikuru nekuti anoita kuti vanhu vekumaruwa vawane chouviri sezvo vachikwanisa kuzotengesa mbudzi dzavanenge vachipfuya kunze kwekuwana usavi nezvimwe zvakasiyana. Kuitwa kwemapurojekiti aya imwe nzira yekuti vanhu vawane mabasa izvo zvinoenderana nehurongwa hweHurumende hwekuvandudza upfumi hwenyika kuburikidza nekuti vanhu vawane mabasa.

Amai Mnangagwa vakapa zvakare madzimai emadzishe zvipo zvembeu yembesa diki yekuti vawedzere pachirongwa cheZunde raMambo.

Chirongwa ichi chakakosha nekuti zvirimwa zvinenge zvakohwewa pasi peZunde raMambo zvinozopihwa kumhuri dzinoshaya kana kuti kunherera neshirikadzi. Mbesa diki dziri kukurudzirwa kurimwa mazuva ano nekuti dzinotivirira muzuva, dzichikasika kuibva uye dzine kudya kunopa utano.

Zvose zvirongwa zviri kuvambwa naAmai Mnangagwa zvakanangana nekusimudzira raramo yeruzhinji nechinangwa chekuti vanhu veZimbabwe vakwanise kuzviriritira pane kungomirira zvekupemha kune vamwe.

Izvi zvinoenderana chose nechirevo chinoti akupa chirauro nekukudzidzisa kuraura hove akakosha kupinda uyo anokubatsira nekukupa hove dzakaraurwa kare. Zvichireva kuti Amai Mnangagwa vanotsigira vanhu kuti vazvishandire nekuvapa zvirauro zvekuti vazviredzere voga hove.

Mhuri yeZimbabwe, akupa chirauro ndewako!

Uyezve, Amai Mnangagwa vachange vachishanda nemadzimai emadzishe mukurwisa nyaya dzekubatwa kwevanhukadzi nevanasikana chibharo. Donzvo nderekuona kuti vanhukadzi nevanasikana vachengetedzwa.Nyaya dzechibharo dzinoratidza kuti dziri kuwanda mazuva ano uye dzimwe mhosva dzerudzi urwu dziri kuparwa nevanhu vanenge vaine hukama hwepedyo neavo vavanobhinya.

Semuenzaniso, bepanhau reKwayedza rave nenguva richiburitsa nyaya yemumwe muroora wekuHurungwe uyo anoti akabatwa chibharo naatezvara vake ndokumitiswa uye akatosununguka mwanasikana.

Kazhinji, vanhukadzi vari kubatwa chibharo nevanhu vavanoziva kana kuti hama dzepedyo nekudaro mhosva dzerudzi urwu dzinofanirwa kurwiswa kuburikidza nekumhan’arwa kumapurisa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>