Chipatara cheChitungiwza chava nemuchina mutsva

0 Views

Kwayedza

CHIPATARA cheChitungwiza Central Hospital chakawaniswa muchina mutsva uyo unotarisirwa kubatsira zvikuru mukuvhiyiwa kwezvibereko zvevanhukadzi, weLaparascopic.

Vachitaura nguva pfupi yadarika pakukumikidzwa kwemuchina uyu, Dr Edward Tadros, vakayambira vasikana pamusoro penjodzi yekubvisa pamuviri zvisiri pamutemo vachiti zvinogona kukonzera rufu kana kukanganisa chibereko izvo zvinozoita kuti vatadze kubereka vana kweupenyu hwavo hwose.

“Kubvisa nhumbu hakungorwadza panyama chete sezvo kuchikonzerawo kusagadzikana mupfungwa.

“Inyaya inoshungurudza nyakuzviita kweupenyu hwese uye kune vamwe unotorasikirwa zvekusazobereka zvachose,” vakadaro Dr Tadros.

Chamangwiza weChitungwiza Central Hospital, Dr Obadiah Moyo, vakati kuwaniswa kwavakaitwa muchina uyu ibudiriro huru pachipatara chavo.

“Rwendo rwebudiriro yechipatara chino rwuri kureruka zuva nezuva apo michina yakasiyana iri kupihwa kuchipatara chino. Vanhu vakawanda munyika muno vachange vava kuziva kuti kuchipatara cheChituingwiza tinowana zvose zvinovandudza utano hwavo panova ndipo pane vavariro yedu, “ vakadaro Dr Moyo.

Share This:

We value your opinion! Take a moment to complete our survey