‘Amai munokara mari’

28 Sep, 2018 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa
AMAI vakakwekweredza mwanakomana wavo kuenda naye kudare redzimhosva vachiti anovatukirira zvisinei nekuti mwana uyu anotiwo ivo vari kusarudza vana sezvo vachinzi vanonyanya kuda avo vane mari nenyaya yekuda kutengerwa tunonaka.

Chido Gaizi akaendesa mwanakomana wake Brian Masiiwa kuHarare Civil Court achiti ari kumushaisa rugare.

“Changamire, uyu mwana wangu chaiye asi dambudziko riripo nderekuti haanditerere zvachose. Anorwa nehanzvadzi yake, pandinomubvunza obva ati hamundide, ndinoda musikana. Anondituka zvekuti ndinotoshaya kuti mwana wangu chaiye here,” anodaro Gaizi. Anoenderera mberi achiti, “Akambondidira mvura yaiva pamoto asi ndakaita rombo rekuti yaiva isati yafashaira. Saka ndava kutotya kugara pamba pangu.

“Ndinoda kuti abve hake pamba atsvage kwekuenda nekuti ndamutadza uye dai zvaibvira matondipa gwaro redziviriro nererunyararo zvose.”

Masiiwa anoti amai vake vanoda mari zvakanyanya izvo zvinoita kuti vasarudze vana.

“Ini handina dambudziko navo, asi nyaya yavo yekuda mari manhingi ndiyo yatinonetsana. Pandaienda kubasa vaindida chaizvo, iye zvino handichaenda vave kuda vane mari. Ndave kuvengwa nekuti handisisina mari asi vane mari dzava ‘shuga’. Handivatuke ini, hameno kuti vanonyeperei,” anodaro Masiiwa.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Gaizi gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey