‘Amai muri pfambi, muroyi wemakoko’

08 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MWANAKOMANA wekuChitungwiza wekutukudzira amai vake achivati ipfambi yemakoko uye vanoroya pamwe nekuzorova munin’ina wake uyo akange achida kurandutsira bongozozo raivepo akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mipfumbamwe izere.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts Yeukai Chigodora akapa Chester Dumba (21) anogara mubhuku rekwaNechiva, kwaSeke chirango chekugara mujeri kwemwedzi mipfumbamwe.

Muchuchisi Allen Kadye akaudza dare kuti nomusi wa31 Gumiguru gore rino munguva dzemanheru kwasabhuku Musonza kwaSeke kwakare, Dumba naamai vake — Ephiridah Musonza (39) — vaive pamba apo akatanga kuvatuka nezvinyadzi.

Mamwe emashoko aakatuka nawo amai vake anoti, “Uri muroyi, uri pfambi.”

Musonza akazotaurira mwana wake kuti achibuda mumba umu nekuti akange ave kuda kurara asi akaramba achibva aita zvekumusaidzira panze.

Dumba akabva atora cheya ndokutema mahwindo emba yekutandarira pamwe neepabhedhuru.

Midziyo yaakapwanya inokosha $120.

Dumba akazorova munin’ina wake, Sennis Ziyenge (16), uyo akange auya kuzomurambidza kuti asashungurudze amai vake.

Akamurova nedanda kumusana neparuwoko rwerudyi rwukakuvara asi haana kukwanisa kuenda kuchipatara nekuda kwekushaya mari.

Musonza akazorandutsirwa mubongozozo iri nemupurisa aidarika achibva asunga Dumba.

Pakumira kwaakaita mudare, Dumba akabvuma mhosva dzake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey