Uncategorized

Amai muri pfambi: vana

13 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Amai muri pfambi: vana

Kwayedza

‘Dangwe makaita nechikomba’

MUDZIMAI wekuBindura anoti aoneswa nhamo nevana vake vekubereka avo vari kumupumha kuti akaita chipfambi akabereka mwana wake dangwe uyo vari kuti haasi wepamusha apa.

Nyaya iyi yakonzera kuti vana ava vagare vachirwisana.

Amai vevana ava, avo vakasarudza kuzviti Shuvai Mangena (50), vanoti vakaita vana vatatu nemurume wavo — wekutanga wacho ave kunzi nevamwe vanomutevera haasi wababa vavo.

Nemusi weChipiri svondo rino, amai ava vakapotera kunhepfenyuro yeStar FM pachirongwa chinoitwa naTilder Karizamimba cheTilder Live vachitsvaga mazano kubva kune veruzhinji pamusoro penyaya iyi.

Mai Mangena vakaenda uku vaine vana vavo vaviri vanoti wekutanga anonzi haasi mwana wemumhuri iyi, Olivia Mangena (27) naSlyvia Mangena (25).

Mumwe mwana wechitatu wemhuri iyi haana kuenda kuchirongwa ichi pamwe chete nababa vacho.

“Ini ndatambura nekunangwa chipfambi nevana vandakabereka vachiti mukoma wavo, mwana wangu mukuru, haasi mwana wababa vavo. Vanonditi ndakaita chipfambi nemumwe murume ndikabata mimba yemukoma wavo uyu wandinaye pano.

“Vana ava vanogara vachirwisana naye vachimuti abve mumusha mavo. Baba vanotsigirana nevana ava vachiti mwana uyu haazi wavo,” vanodaro amai ava.

Nyaya iyi inonzi inotsigirwa nedzimwe hama dzemurume wavo dzichitiwo mwana dangwe uyu ndewechikomba.

“Kubva ndiine pamuviri pemwana uyu, murume wangu akaramba kutenga mbatya dzegadziriro kusvikira mwana uyu azvarwa. Vanatete chaivo vanotaura kuti hatigare nemagora mumusha kutaura mwana wangu mukuru. Sezvamuri kungoona, mwana mukuru uyu akarohwa naSlyvia akatokuvara ziso,” vanodaro Mai Mangena.

Pavakaenda kunhepfenyuro, ziso rekuruboshwe raOlivia rainge rakatsvuka zvekudunduvira ropa.

Olivia

Mai Mangena vanoti murume wavo airamba kuendesa Olivia kuchikoro nekuda kwerunyerekupe rwekuti haasi mwana wemumusha umu.

Vanotizve vari kutsvaga rubatsiro rwekuti mwana uyu atorwe ropa nevamwe vake pamwe chete nababa vacho, kwoonekwa kuti haasi wemumhuri iyi here.

“Izvozvi mudiki uyu akarova mukoma akamukuvadza ziso. Ini ndatova chituko kuvana nevemhuri ndichinzi ndiri pfambi.”

Olivia anoti aneta nekutukwa nekurwiswa nevanin’ina vake vachimuti haasi mwana wemumusha uyu uye anotodawo kuti vatorwe ropa agoziva baba vake chaivo.

“Zvikadaro ndinozvidawo, ndiko kuti mhirizhonga iyi ipere. Vanin’ina vangu vose nababa vanonditi handisi mwana wemo. Ndasara ndimire naamai chete. Asi vanin’ina vangu ndinovada, handizive kuti vanondiroverei,” anodaro Olivia.

Slyvia anotsinhira kuti anotaura mashoko ekuti Olivia haazi mwana wababa vake achiti mashoko ekutsamwisana bedzi.

Slyvia — Mifananidzo naKingstone Mapupu

Slyvia akagumisira asisade kupindura mibvunzo nekutaura panhepfenyuro ndokubvisa mahead phones kuti asanzwe zvairehwa nevatereri paTilder Live.

Zvichakadai, sangano reDNA Global Zimbabwe rinoti rakazvipira kubatsira mhuri iyi uye pachaitwa hurongwa hwekuti inoongororwa ropa kuti zvionekwe mamiriro akaita mwana wekutanga uyu nevamwe vose.

Asi Sekuru Elisha Mutanga vekuUshewokunze, reHarare, vanoti amai havataurirwe mashoko ekuti ipfambi kana kuti muroyi, nekudaro vana vaMai Mangena vari kushungurudza mubereki wavo izvo zvichavaita kuti vatande botso.

“Baba ndivo vane mvumo yekutaura mashoko aya kwete vana. Vachatambudzika zvikuru vana ava nekuda kwekushungurudza amai vavo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>