‘Amai teverai baba muguva’

27 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu

MUMWE mudzimai anoti ari kuoneswa ndondo nemwanakomana wake uyo anomurova pamwe nekumuudza kuti kana achinge aneta nezveupenyu, ngaatevere murume wake akafa muguva.

Nyazani Chipangure akaendesa Emmerson Luundi kuHarare Civil Court achida gwaro rinomudzivirira.

“Anondirova pamwe chete nevana vandinogara navo, munhu waanoda chete mudzimai wake,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti anoudzwa mashoko anorwadza kana achinge oda kumutsiura.

“Ndikada kumutsiura anotanga kuti pamba hapasi pangu, ndinofanirwa kuenda kuguva kune murume wangu kana upenyu hwava kundinetsa. Uyezve anonditi ndinoroya achiti ndakaroya vanhu vakawanda, saka zviri nani ndikatevera murume wangu,” anodaro Chipangure.

Anoti kuti adzinge Luundi pamba, hazvigone nekuti pavanogara pamba pasekuru vake asi haachadi kumuona.

“Kuti ndimudzinge pamba hazvigone nekuti pamba pasekuru vake uye kuti ini ndibve mari handina.

“Handichadi kumuona, ari kundirwadzisa. Kana ndikafa ngaasauye parufu rwangu uye kana iye akafa handiende, hatizivane,” anodaro. Luundi anoti amai vake vanonyepa uye dambudziko riripo nderekuti havadi mudzimai wake.

“Vari kunyepa, chiripo ndechekuti havadi mudzimai wangu nekuti haasati ava nemwana. Vari kuti haazvare, saka ndinofanira kuroora mumwe asi ini ndiri kuramba nekuti mukadzi wangu ndinomuda,” anodaro Luundi.

Anoti vehukama vakamboshevedzwa vakaedza kuvayananisa panyaya iyi asi zvakakona.

“Vehukama vakauya vakaedza kutaura nesu asi amai vakatadza kunzwisisa vakati ndataurirana navo nekuti vakanga vave kuoneswa pavari kutadza.

“Kumapurisa kwavari kuti handisungwe vanenge vatoona kuti hapana nyaya,” anodaro Luundi.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Chipangure gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links