Uncategorized

Amai vakagumbuka . . .Vanorovera zamu pamuhacha… Kana kukamira mukaka pasi

25 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
Amai vakagumbuka . . .Vanorovera zamu pamuhacha… Kana kukamira mukaka pasi

Kwayedza

PACHIVANHU zvinonzi kana mwana akatsamwisa kana kushungurudza vabereki vake zvekusvika pakugunun’una, zvinopa mwana iyeyo rushambwa kana kuti munyama.

Rushambwa urwu rwunokwezvera mwana kuti agare achitambura muupenyu uye achingosangana nedzimwe tsekwende dzisinganzwisisike.

Ndokusaka mukurarama vanhu – vose vakuru nevadiki – vachikurudzirwa kuremekedza vabereki vavo nguva dzose. Kuitira kuti vasazokwezva jambwa, iro rinogona kuita kuti midzimu idambure mbereko, munhu otosvika pakufa.

Kune vamwe vana vanoguma votanda botso kana vachinge vakashungurudza vabereki vavo.

Vanaamai vanonzi vanogona kutsamwa kana kugunun’unira mwana anenge avatadzira kusvika pakuti “chamuwana ngachimuwane”.

Kunze kwekugara vachiridzira mwana wavo tsamwa, vamwe vanaamai vanonzi vanogona kugumbuka zvekusvika pakurengerera kana kuti kutandidzira mwana anenge avakanganisira mamhepo.

Nzira inoshandiswa kuita izvi uye inogura kunorira kumwana kurovera zamu raamai pamuti wakaita semihacha vachitaura zita kana kuti mazita evana vavanenge vavagumbura.

Amai kungoita izvi bedzi, mwana iyeye anonzi anochiona – mhepo dzose dzinomumomotera. Mwana anenge aita kuti amai varovere zamu pamuti anotambura zvakaomarara.

Kune vamwe vanaamai vanonzi vanokamira mukaka pamusiwo panopinda nemhuri yavo izvo zvinoita kuti kana mwana anenge agumbukirwa akatsika pakamirwa mukaka uyu anobva atoranana nerushwambwa zvachose.

Godobori munyaya dzechivanhu, VaBonface Katerere (62) vekuUzumba, vanoti kutsamwa kwaamai kunounza matambudziko makuru mukurarama kwevana vavo.

“Ngozi yaamai haipfuke nekuti vafa chete. Kana mukavatadzira vachirovera tsiva pasi nekurovera zamu pamuti munogona kupera kufa.

“Ukaona mudzimai ave kurovera zamu rake pamuti ari oga achipopota nekuteketera midzimu yekwaamai neyekwababa vake, ziva kuti mbereko yadambuka.

“Zamu rinoroverwa iri harinei nekuti ndere rutivi rwupi, asi zvinoitwa madzimai aya ari oga panzvimbo dzakavandika musango,” vanodaro.

VaKaterere vanoti panoitwa izvi, amai vanenge vachitaura zita remwana akavatadzira, vachikumbira midzimu yavo kuti ivabatsire kumuranga.

“Ipo pacho panenge pachiroverwa zamu iri kumuti amai vanenge vachitaura kuti mukaka wavo wakaendera pasina kana kuti dai vaiziva zvavo vakatoyamwisa zvikara zvesango zvaiva nani.”

Vanoti kune vamwe vanokamira mukaka pasi izvo zvinopa rushambwa kumwana anenge agumburisa mubereki.

“Kutsika kunoita mwana uyu pakamirwa mukaka naamai kunomutsa midzimu, yotanga kurwisa zvichipa mwana iyeye minyama isingaperi,” vanodaro VaKaterere.

Izvi zvinoitwa pasina kushandisa mishonga yakaipa asi kuti vanaamai vanongopopota zvakasimba.

VaDavid Muzenda (33) vekwaNembudziya, kuGokwe, vanoti kune zvakawanda zvinoitwa nemadzimai kana vachinge vashatirwa nekuda kwevana vavo.

“Amai vakashatirwa vanorovera zamu rimwe chete kumuti wemuhacha vachiteketera madzimbuya avo kuti, ‘Onai zvekuita nemwana nhingi’.

“Ipapo vanobva vasiya vakamira mukaka wavo pazasi pemuhacha uyu vakabatanidza nehunde yemuti wacho vachiudza vadzimu vavo kuti vaite zvavanoda nekuti vavapa donhodzo remukaka uyu. Uhu huroyi, hazvina chazvakasiyana nekuti vana vanotanga kutambura kana kufa zvisina tsarukano,” vanodaro VaMuzenda.

Vanotizve dzimwe nguva madzimai vanotanangira mapoto ekudya kunenge kuchipisa vasati vapakurira mhuri, uko vanofukidza nemarokwe avo vasina kupfeka nhumbi dzemukati.

Zvisinei, VaMuzenda vanoti kuita kwakadai uku kugumbuka kwemhando yepamusoro.

“Mudzimai akagumbuka zvisinei kuti haana mashavi ehuroyi, zvinobuda mukutsamwa kwake ikoko. Hazvina kusiyana nekuti agonzi anoroya nekuti vadzimu vake kunyangwe Mwari chaivo havadi kuti munhukadzi ashungurudzwe nekuda kwekurwadziwa uko anoitwa achibereka vana asi vozoguma vave kuvashungurudza.”

Vanoti ichi ndicho chikonzero chinoita kuti kana munhukadzi akafa aine chigumbu, anomuka ngozi inopedza rudzi kusiyana nengozi yemunhurume.

VaMambo Masawi (49), vekuEpworth, avo vanova chiremba wechivanhu vanoti tsika dzinoitwa nemadzimai kana vagumbuka dzinosiyana nzvimbo nenzvimbo.

“Tsika yekurovera zamu pamiti inoitwa kumatunhu ose emunyika muno. Kazhinji muti unoroverwa zamu muhacha unenge uine mapazi akawanda uyezve wakura zvakare uine gomarara. Kumwe vanorovera ose mazamu asi kumwe vanorovera rekurudyi kana rekuruboshwe, zvisinei nekuti hapana mushonga unoshandiswa.

“Ini ndinoti uhu huroyi nekuti vana vanenge vachichemwa vachitaurwa naamai ava hapana zvavanoita paupenyu,” vanodaro.

Archbishop Johannes Ndanga veApostolic Christian Council Of Zimbabwe (ACCZ) vanotiwo kuita kwakadai havakukurudzire sevanamati uko vanotora sekuroya.

“Inyaya dzatinonzwa dzichitaurwa asi zvisinei nekuti hauna kushandisa mishonga, zvakasiyana chii nemuroyi anoshandisa mushonga? Kuuraya munhu nekuti kurovera zamu iri pamuti zvichizokanganisa vana vako kana kuti vafe hazvina kusiyana nemuroyi,” vanodaro.

Mai Agnes Siyamonga (31) vekwaChireya, kuGokwe, vanotsinhirawo kuti tsika yekurovera zamu raamai pamuti inoitwa nemamwe madzimai.

“Ini ndinoti zvakaipa zvikuru sezvo zvichiguma zvakuvadza vana vako, vaunoda iwe kuti vazokuviga. Vakaita mazungairwa iwe unozova chiseko chenyika,” vakadaro Mai Siyamonga.

Mambo Chivero, VaBrown Shopo (54), vanoti iyi tsika yakaipa.

“Tingati uri amai here kana uchidaro? Wakangofanana nemhondi. Tinoti kana madzimai atadzirwa nevana vavo ngavamhan’are kumatare emadzishe voripwa zvavanoda pane kushereketera mhuri kudaro,” vanodaro Mambo Chivero.

Share This:

Sponsored Links