‘Amai vanodanana nemurume wangu’

16 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
‘Amai vanodanana  nemurume wangu’

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
VANHU vaive mudare redzimhosva vakakahadzika zvikuru apo mumwe mudzimai akati amai vake vakamurova mushure mekunge iye amhan’arira murume wake kumatare nenyaya yemendenenzi vachiti haafanire kudaro nekuti uyu murume wavo vose sezvo vakambodananawo naye.

Cecilia Simbi akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arira murume wake Jacob Mamhovha achida kuti awedzere mari yemendenenzi yaari kubhadhara kubva pa$120 kusvika pa$350.

“Mari haaichakwana kuchengeta mwana saka ndiri kuda kuti iwedzerwe kubva pa$120 kusvika pa$350,” anodaro Simbi.

Anoenderera mberi achiti: “Murume uyu anenge asisandide nekuti haachade kutaura neni kana kundiona uye ari kuti ave kuda kubva pamba saka kana achinge abva mari haizokwana ini nemwana.”

Anoti paakamhan’ara nyaya iyi pakutanga, amai vake vakamurova vachiti aendeserei Mamhovha kudare sezvo vakambodanana naye.

“Mari ndiri kuda kuti iwedzerwe nekuti murume uyu akambodanana naamai vangu saka pavakazvinzwa kuti ndamuunza kudare vakandirova vachiti ndiri kuendeserei murume wavo kudare, nekudaro iye akabva pamba ndinenge ndisisina anondibatsira kuchengeta mwana,” anodaro Simbi.

Achipawo divi rake, Mamhovha anoti haakwanise kuwedzera mari iri kudiwa naSimbi nekuti ane zvikwereti zvakawanda izvo zvinoda kubhadharwa.

“Mari yekuwedzera handina nekuti ndine zvikwereti zvandiri kubhadhara asi kana iri $120 ndinobhadhara hangu,” anodaro.

Mutongi Amanda Muridzo akarasa chikumbiro chaSimbi achiti hapana umboo hunotaridza kuti sei ari kuda kuti mari iri kubhadharwa naMamhovha iwedzerwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey