Amai vaSimon vofarira Jane

14 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 2 (Ongororo: Enderero mberi)
Tichienderera mberi nawo musambo wekuti munyori ndiye ari kutaura, tinobva tamubata achitiudza nezvenyaya yekuti kana mwanasikana achinge aroorwa, vabereki nehama dzemurume nedzomukadzi dzinenge dzava kutarisira kuti mukadzi abate pamuviri. (11) Tinonzwa otaura nezvekufara kunoita vanhu ava kana izvi zvaitika vachingobvunza vanenge vaenda kunoona vachangobva kuroorana ava kuti, “Makavasiya vakadii?” (11) vobvunzazve kuti, “Ko, iye mukadzi vacho haana chaainacho?” (11)

Tati dzikei nekuverenga, tinomunzwa ava kutaura zvinoitwa nevanhu kana madzimai atadza kubata pamuviri zvekudzorerwa kumusha kwake kuti vabereki vake vanomugadzira. Tinonzwazve otaura nezvetsika yaiitwa chinyakare yokuti kana musikana aroorwa, haaigona kudzokera kumusha kwake kunoona vabereki vake paainge adira nekuti uku kutyora mutemo, sezvo zvainzi zvaityora misana yevabereki vake.

Tinozoenda papeji 14 apo tinonzwa achititaurirawo zvimwe zvakare. Chekutanga ndechekuti dzimwe nguva zvakanaka kurega munhu achichema nekuti misodzi inopedza kutya nekukamura kusuwa. Misodzi inopedza bundu rapamoyo. Chekugumisira tinomunzwa ava kutaura nezvemubvunzo unobvunzwa nevanhu vakawanda kana vapinda mumatambudziko. Ndiwoka mubvunzo uya wekuti, “Ndini ndakaitei ndega?” (14)

Munyori anoshandisa dzokororo iyi iyo inoratidza kushungurudzika kunoita vabereki nehama nekuda kuziva kuti musikana akaroorwa ava nepamuviri here. Dzokororo iyi yakamira yakadai:

“Ko, iye mukadzi vacho haana chaainacho?” (11)
“Zvino hapana chaati aanacho iye Vida?” (11)

Zvinobva zvaratidza kukoshesa kwaiita vanhu chiitiko ichi.
Kudimikira kushoma tinokuonawo uko kunoita kuti kuwerenga nyaya kunakidze. Mudzimai kana achinge atadza kubata pamuviri zvinomutambudza kakapetwa kaviri zvekuti, “Ndipo pootanga kuonda kuita kuraswa” (10).

Musi unoenda amai vaVida kwasekuru kwaSeke vaine chinangwa chekunoona mwanasikana vavo, Vida agara ane zvinomunetsa. Ndipo pavanosvikozvitokonya mwana wavo ndokutanga kurwadziwa zvakare izvo zvinodimikirwa zvichinzi, “vachibva vadzimba ronda rakanga ratove pamoyo paVida”. (14)

Vapedza kukurukura nemwanasikana wavo, vanoti vadzoke kune vamwe, Vida ochiregedza kuchema apukute misodzi yake nekuti kunyangwe zvazvo pavari pasina vamwe, zvinogona kuzivikanwa kuti anga achichema saka vachiti, “Nyika ina maziso iyi.” (15)
Tingati ndizvo zvitatu zvihombe zvinogona kuongororwa muchitsauko ichi.

Chitsauko 3 (Nyaya yacho)
Vida anonyatsoongorora Simon ane chinangwa chokuda kuona kuti aitambudzwawo here nenyaya yavo yokushaya mbereko. Asi Simon anoratidza rufaro rwake rwemazuva ose izvo zvinoita kuti mwoyo wake usanyanya kurwadziwa.

Pakisimisi vanoenda kumusha kwavana Simon asi Vida anozviona kuti vamwene vake havachamufariri sezvavaiita pokutanga. Chinhu chinomushamisa ndechekuti anoona vava kufarira Jane Chivake kukunda iye, vachitomutuma kuenda kutsime kunovacherera mvura iye Vida aripo.

Simon anozviona zvake asi haaiti hanya nazvo, kana kubvunza amai vake kuti zvairevei. Asika, Vida akanga ava kuziva kuti Jane akamboita musikana waSimon. Adzoka kubva kutsime, Jane aibva atendwa nemutupo wake.

Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey