Uncategorized

Ambuya vakabongomora vatukwa nemukuwasha

20 Feb, 2015 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Hardway Nyakuwarwa
MUKUWASHA akatukirira ambuya, amai veaimbova mudzimai wake, kusvikira vachema padare mushure mekunge vamumhan’arira nenyaya yekusachengeta mwana waakaita nemubvana wavo uyo ari kuSouth Africa.

Norman Muza akaendeswa kuHarare Civil Court naambuya vake, Trador Chimanjali, vachida kuti achengete mwana wake.

Mutongi munyaya iyi, Trevor Nyatsanza, akati Muza abhadhare $120 pamwedzi uye mutongo uyu wakaturwa asipo.

Muza akazochema-chema kuna ambuya vake achiti mari iyi yakawandisa uye aida kuti idzikiswe kusvika pa$60.

Vaviri ava vakazoronga zuva rekuti vasangane kudare zvakare kuti vataurirane nyaya yekuti mari iyi idzikiswe apo Muza akabva atanga kutukirira Chimanjali pajekerere.

“Asi munopenga kani, munofunga kuti mari yakawanda iyoyo inobva kupi? Ndipei mwana wangu ndichengete ndega kana zviri kukunetsai.

“Kunyangwe zvikanzi mwana iyeye akafa handinei nazvo, ndingatofara nekuti mari yacho yakawanda,” akadaro Muza.

Chimanjali akatanga kuchema achiti mukuwasha wake aimushurirei kudaro.

“Nhai, nhai mwanangu kundishurei kudaro? Zviri nani ndife hangu nekuti mwana wangu wakamuramba ndikazvigamuchira. Ini ndatadzei pandakati mha-a pano?” akadaro Chimanjali achibongomora kuchema.

Mapurisa akazotora Muza naChimanjali ndokuenda navo kunovayananisa.

Muza akazotsiurwa nemapurisa kuti aremekedze ambuya vake kunyangwe akarambana nemwana wavo apo akazokumbira ambuya vake Chinjamali ruregerero.

“Ndinokumbirawo ruregerero amai. Handizivi chandibata,” akadaro Muza.

Chimanjali akaramba kugashira chikumbiro chaMuza achiti zviri nani kuti vasakwazisane kana achiratidzira hunhu hwakadai.

Share This:

Sponsored Links