Uncategorized

Ambuya vanotuka mukuwasha zvinyadzi

13 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa—

MUKUWASHA akakwekweretsa ambuya vake kuenda navo kudare achiti vari kumushungurudza nekumutukidzira uye vanomuudza kuti vanoda kunwa mushonga wemakonzo vafe zvavo zvichitevera kunonoka kwaari kuita kuvadzosera mari yavo yaakakwereta.

Stanely Katiyo akamhan’arira ambuya vake, Doreen Mugariri, kuHarare Civil Court achiti vari kuuya vachiita musindo kumba kwake.

“Ambuya vangu ava vanouya kumba kwangu vachiita mhirizhonga vachindituka zvinyadzi pamberi pevana. Vanouya nguva dzavanoda uye vakambondituka pamberi pemapurisa,” anodaro.

Katiyo anoti ane mari yaakawereta Mugariri nekudaro ndicho chikonzero achimutuka.

“Amai ndine mari yavo yavakandikweretesa, saka ndiyo yavanonditukira asi handina kuramba kuvadzosera. Ndakakwereta $4 435 ndakavapa $800 saka ndiyo yavanoti vanoda kunwira mushonga wemakonzo pamba pangu vofa.

‘‘Ndinoda kuti hunhu hwavo uhu vahuregedze,” anodaro Katiyo.

Mugariri haana kupokana nekuti Katiyo apihwe gwaro rerunyararo asi anoti anoda mari yake.

“Mupei gwaro raanoda asi zvese zvaataura kunyepa, ini handina kumupa mari asi kuti ndakamuchengetesa mushure mekunge ndatengesa imba yangu. Saka ndakazodzoka kumusha ndokusvika vashandisa mari yangu.

“Vakanyepa kuti vaisa kubhengi uko kwavakaramba kuenda neni kusvika vazobvuma kuti vakashandisa mari yangu. Ini chandinongoda mari yangu chete nekuti izvozvi vave kuti ndinovashungurudza. Mukadzi wake mwana watete vangu uye handina kumbobvira ndavatuka asi kubvunza mari yangu chete,” anodaro Mugariri.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Katiyo gwaro rerunyararo ndokumuti anofanira kupa Mugariri mari yake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>