America iri kutsvaga chii muZim?

18 Mar, 2016 - 00:03 0 Views

Kwayedza

MUKWENDE anogarotaura kuti benzi rikaramba rosekererwa parufu, hazvizokushamisai mave kuona rave kusimudza chitunha rotiza nacho.

Mungachibvuta mochidzorera panzvimbo, asi nyaya huru ndeyokuti chitunha chambotakurwa nemunhu ane dzakatamba nepwere.

Tadzamisa kudai nokuti zviri kutsvagwa nenyika yeUnited States of America muZimbabwe zvikuru. Kana ukaona munhu ave kutora sadza riri mumawoko ako, achiti ndiye anoda kuguta oga, chiziva kuti atopinza nzara mumba.

Kana maimboti munozviziva, iye zvino vave kuita kuramwirwa, kunge zvinonzi Zimbabwe imwe yemaStates eAmerica.

Vamwe vanoti pazvasvika, zviri kutsvaga musoro wemunhu, hazvisisiri zvokuda kutemera nyika ino zvirango zvoupfumi chete?

Kwete, United States of America ine pakuru payakananga, asi sokuvaudza kwatakambovaita kuti, “Zimbabwe will never be a colony again”, hatinete kuvaudza kuti kana zvave zvoto, zvine mazera. Hazvisi zvokungobatira pamusoro, vanhu vofunga kuti kana tikananga kumunda, tinenge takunda Hurumende yeZanu-PF nebato reZanu-PF racho kusanganisira mutungamiri wacho Cde Robert Mugabe, tinenge tamukwidibirawo pakare.

Tinozviziva kuti hamuneti kusvika mawana pundutso yezvamuri kutsvaga, asi mhuri yeZimbabwe haina kukotsira sezvamunoona kune dzimwe nyika kwavanopereka nyika dzavo nokuti munovatyisidzira. Vamwe vakabvuma chingochani, nokungoda mari chete. Kwete muZimbabwe!

Nyika yeAmerica yaimboramba kuti yakatemera Zimbabwe zvirango zvoupfumi, zvirango zvinove zvapinza vanhu munhamo, vachitaura kuti ma”targetted sanctions”, akanangana navatungamiri veHurumende nebato reZanu-PF!

Asi, nhasi munhu wese azopinzwa mujoko, uye vari kubvunza kuti ko makambani anogadzira fetiraiza ave kutemerwa zvirango zvoupfumi, zvauya sei? Kuda kuvhiringidza chirongwa chemasimba eupfumi kuvanhu kubudikidza neivhu ravakagoverwa neHurumende here?

Kana zviri izvo, vakanyangira yaona! Ndopanonzi, simuka tienzane somunhu ari kudya sadza nederere!

Pamwe, kune vaverengi veKwayedza vasina kusangana nenyaya yakaburitswa neBusiness Herald musi wa10 Kurume apo vakanyora kuti bazi reOffice of Assets Control renyika yeAmerica rakatemera makambani maviri anogadzira fetiraiza, Chemplex Holdings neZimbabwe Fertiliser Company, zvirango zvoupfumi.

Makambani ose ari maviri ari pasi pekambani yeIndustrial Development Corporation of Zimbabwe, inove kambani yange yagara yakatemerwa zvirango neAmerica.

Mufetiraiza, hamubudi upfumi chete, asi kuti kana mvura ichinaya zvakanaka, uyewo kana yamadiridziro iriko, nyika inenge ichiziva kuti matura ayo akazara nechikafu, hapana zvokupemha, kana kushungurudzika kuti chokudya chichabvepi.

Kuwanikwa kwefetiraiza kunoitawo kuti upfumi hweZimbabwe husimuke nokutambanuka, uyewo zvinoitawo kuti, Zimbabwe idzokere pashungu dzayo dzokuva dura reAfrica.

Saka, mwoyo wakasindimara kudai, unoda kuti vanhu vafe nenzara mwoyo unobva kupi, nhai USA? Kubva America yatovenga Zimbabwe kusvika pokuti kana vanhu vacho ngavasve vafa nenzara zvavo?

Ko inga nyika yeAmerica inozviita senyika ine zvido zvavanhu, saka kuomesa mwoyo kunorevei mupasi rese razara nechiedza?

United States of America, matipedza mate. Asi ngatibudirane pachena. Mhindu dzese dzamuri kuita hadzife dzakaita kuti ivhu revana veZimbabwe ravakatora kubva kuvapambevhu ridzoke! President Mugabe vakamboti, “Zviroto, zviroto!” Uku ndiko kumwe kurota kwacho. Ivhu nderavana veZimbabwe kwete veAmerica kana Britain.

Vanhu vakawanda vakapa pfungwa dzavo nokuita kwohuipi uku, asi ngandipedzise namashoko akaturwa musi wa14 Kurume naDr Christopher Mushohwe vanove gurukota rekuburitswa kwemashoko pavakati: “Through this heinous act, the United States of America has decided to worsen things for our people, indeed has decided to target for attack, the basic livelihoods of all Zimbabweans. It is hard to grasp how a country that prides itself as a responsible player and leader in global affairs can target a key humanitarian sector for attack . . . As far as the American Government is concerned, a mere 4 000 colonial white farmers are more important and deserving of US support than the 13 million landless black Zimbabweans whose heritage was stolen through colonial occupation, and who had gone without land since 1890.”

Zvamira sezvizvi, ndopatinobvunzana kuti sei vamwe vedu tichiramba takati kwati-kwati navo ivo vakananga kutiparadza?

Tinozovhurika maziso riini kuti vanhu ava havatide, asi kuti vanoda kusveta simba neupfumi hwedu? Ko zvatinoti takadzidza, kudzidza rudzii kunoita kuti vanhu vaichema kushaika kwefetiraiza makore apfuura, vapete zvavo mawoko, muhana dzavo vachiti, zvine basa rei, tinongotenga kune dzimwe nyika?

Kana kuti rakapepeta rikasiya tsengwa?

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>