Anglican Church yovaka chikoro

22 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Anglican Church yovaka chikoro

Kwayedza

CHECHI yeAnglican Diocese of Harare (CPCA) iri kuvaka chikoro chepuraimari mumusha weCaledonia, muHarare, nedonzvo rekusimudzira dzidzo munyika.

Muhurukuro neKwayedza, mutungamiriri wechechi iyi, Rt. Reverend Dr Chad Gandiya, vanoti chechi yavo yakazvipira kusimudzira vechidiki muZimbabwe kuburikidza nedzidzo.

“Chirongwa chekuvaka chikoro ichi chiri kutungamirwa nebandiko redu reMothers’ Union Anglican Diocese of Harare iro rine donzvo rekuvandudza raramo yevechidiki kubudikidza nedzidzo,” vanodaro Rt. Rev Dr Gandiya.

Vanoti vakauya nepfungwa yekuvaka chikoro kuCaledonia mushure mekuona kuti nzvimbo iyi haina zvikoro zvakakwana.

“Caledonia inzvimbo isina zvikoro zvakatsarukana, zvakare zviriko zvacho hazvina kunyoreswa zviri pamutemo. Saka isu takaona zvakakodzera kuti tivake chikoro ichi ikoko.

“Zvakare, takanzwawo zvinyunyuto zvevagari venzvimbo iyi vachiti vana vavo vari kufamba nzendo refu kuenda nekudzoka kuzvikoro zviri kune mamwe marukisheni akaita seMabvuku neTafara,” vanodaro.

Rt. Rev Dr Gandiya vanoenderera mberi vachiti: “Vana vakaita seveECD vanofamba chinhambwe chinosvika makiromita mana kana kudarika, saka mwana anosvika kuchikoro aneta. Anotokotsira muchikoro nekuneta uye munguva dzakaita semwaka yekunaya nekutonhora, vana ava vanokanganisika fundo yavo.”

Vanoti vane tarisiro yekuti zvidzidzo zveEDC, Grade 1 ne2 zvitange pachikoro chavari kuvaka ichi munaNdira wegore rinouya.

“Chikoro ichi chichatanga neECD, Grade 1 neGrade 2. Chinofanirwa kutanga mwedzi waNdira gore rinouya apo mamwe makamuri ekudzidzira anenge apera. Nekufamba kwenguva tichazowedzera dzimwe dzimba dzekudzidzira,” vanodaro.

Chechi iyi ine zvimwe zvikoro zvakatekeshera nenyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey