‘Angori babamunini, handidanane naye’

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

Arnold Kaseke
MUKADZI akaroorwa akaendeswa kudare nemumwe mudzimai ari kumupomera kudanana nemurume wake achiti imba yake yave kuda kutoparara.
Cecilia Chitsveta akamhan’arira Chiwoniso Sikera kuHarare Civil Court achimupomera mhosva yekudanana nemurume wake.

“Mukadzi uyu ndinonyatsoshaya kuti anombonyatsodei muupenyu hwangu? Ari kuda kundiputsira musha wangu. Anogara achindivinga pamba pangu achinditi ndiri kudanana nemurume wake.

“Anofonera murume wangu achimuudza kuti ndiri kudanana nemurume wake.

“Handidanane nemurume wemunhu ini! Ko wangu murume apera here? Iye zvino murume wangu akatonditsamwira, ave kutofunga kuti ichokwadi chiri kutaurwa naamai ava.

“Vedare, ndinokumbirawo kuti mukadzi uyu asasvike pamba pangu uyezve asiyane nezvekufonera murume wangu nekuti wake handizivane naye kusvika pakudaro, angori babamunini hama yemurume wangu,” akadaro Sikera.

Chitsveta akabvuma kuti akafonera murume waSikera achiti akaita izvi nechikonzero chekuti asiyane nemurume wake sezvo achigara achimuona achibuda mumba maSikera.

“Mukadzi uyu ari kudanana nemurume wangu. Pekutanga, ndakasvika kumba kwake ndikawana murume wangu achibuda muimba yemukadzi uyu yekurara. Ndakamubvunza kuti murume wangu aitsvagei mumba yake yekurara iye ndokundiudza kuti aidanana nemunin’ina wake asi akaramba kundiratidza munin’ina wake wacho.

“Pechipiri pacho, ndakasvika Chitsveta asipo, ndakabvunza vana vake kana vainge vamboona babamunini vavo.

Vana vake vakandiudza kuti babamunini vainge vabuda makuseni uyezve vaisaziva kuti vaendepi. Iye zvino handitombozivi kuti akaisepi murume wangu mukadzi iyeyi,” akadaro Sikera.

Mutongi Gamuchirai Siwardie akaudza vaviri ava kuti vadzoke kudare zvakare vaine zvapupu zvinotsigira nyaya yavo.

Share This:

Sponsored Links