Anobvisa hembe

01 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Anobvisa hembe

Kwayedza

Tatenda Shuro
MUKADZI wekuDzivarasekwa 3, muHarare, anoti murume wake ane katsika kekuti kana achinge ashatirwa, anobvisa hembe dzake dzose osara ari musvo apo anotanga kumutuka zvinyadzi pajekerere. Sinfree Tapera akamhan’ari murume wake Michael Pepi kudare reHarare Civil Court achimupomera mhosva yokumushungurudza. “Baba ava vanondishungurudza vachinditi ndiri pfambi, vokumura mbatya dzavo dzose uye vanofamba vachiudza vanhu vemuraini kuti ndiri pfambi kunyangwe tisisagare tose. Vanonditevera kwaambuya vangu kwandava kugara vachindituka vakamira pagedhe,” Tapera akaudza mutongi wedare Noah Gwatidzo.

Anoenderera mberi achiti, “Vanopwanya mabhodhoro, vofamba vakaaisa mukati mezvikadabura zvavo vachindityisidzira zvekutoti ndava kugara ndichivatya. Akatanga kuseni achindituka, anosvika zuva rinotevera achingotaura chete.

“Ndinokumbirawo gwaro rerunyararo nekuti andishaisa mufaro. Ndinoda kuti asasvike kwaambuya vangu.”

Achipawo divi rake, Pepi anoramba zvaari kupomerwa naTapera.

“Handimushungurudze mukadzi uyu, inyaya yekuti handisisina mari uye takapesana muna Gumiguru apo ndainge ndisisina mari yekuti ndibhadhare pataigara.”

Anoti haana kurambana naTapera asi kuti achiri mudzimai wake.

“Kushaya mari kwangu kwakaita kuti aende kwanambuya vake. Handina kurambana naye, achitori mudzimai wangu zvekutoti ndiye akaita kuti ndizorege kunomuona nomusi wa22 Zvita apo akandiudza nezvegwaro rerunyararo achiti ini handichatenderwa kusvika pamba pavo,” anodaro Pepi.

Mutongi Gwatidzo akapa Tapera gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>