Uncategorized

Anochemera ropa

10 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Anochemera ropa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VANHU vaive padare redzimhosva reHarare Magistrates’ Courts, kuRotten Row, muHarare, vakambomira zvose zvavaiita svondo rapera vachiyeva mumwe mukadzi — uyo anonzi anogara kuDzivarasekwa — apo akangotanga kubongomora mhere achisvimha misodzi, kuzvirovera pasi nekuzvonyongoka senyoka achidaidzira kuti anoda ropa.

Mudzimai uyu, uyo asina kuzivikanwa zita rake panguva iyi, ainge aunzwa kudare iri nemupurisa weZimbabwe Republic Police (ZRP) semusungwa pamhosva yekupumha munin’ina wake huroyi.

Pasina ainge akazvitarisira, mukadzi uyu akangotanga kuzvirovera pasi pakavakwa nekongiri achidaidzira kuti, “Ndiri kuda ropa!” izvo zvakashamisa vanhu vaivepo.

“Hezvo, ari kuda ropa pano pamatare edzimhosva kuti zvaita sei? Handifungi kuti ari kunyepera kupenga kuti asatongwe nekuti izvi zviri serious izvi. Kudai anga achinyepera angadai aneta nekuzvirovera pasi,” anodaro mumwe murume anoita basa rekuchengetedza pamatare apa.

AKABEREKWA NEMURUME WAKE VACHIBUDA MUDARE

Murume wemudzimai uyu — uyo ainge aperekedza mukadzi wake kudare akapfeka sutu netayi — akaona ndondo apo aiedza kumubata kuti asazvikuvadza. Akatoita wekubereka achipinda naye mudare apo iye ainge angorukutika, misodzi nerute zvichingoyerera.

Mudzimai uyu akaita zvose izvi pamberi pevana vake vaviri vanova vachiri vadiki uye vaitoratidza kushungurudzika nazvo.

Vamwe ndivo vaikurudzira munin’ina wemudzimai uyu —uyo anova mumhan’ari munyaya iyi uye ainge akabereka mwana kumusana — kuti arerutsa mwoyo wake oregerera mukoma wake apo vaiona kushungurudzika kwaiita murume uyu nevana vake.

Murume wemudzimai uyu akashingaira ndokubereka mudiwa wake akakwidza naye kumahofisi ari mudenga padare iri, uko kwaive nemuchuchisi aiita nyaya yake.

Mupurisa aiita nyaya iyi, akaonekwawo achibatsira kuti murume uyu anyatsobereka mudzimai wake vachipinda mumatare edzimhosva.

Mumhan’ari

Dzimwe nguva murume wemudzimai uyu aimbopfugama achiita seaimunamatira achingoti, “Buda, buda nemuzita raJesu!” Kana kuchimbuzi, akaenda nemudzimai wake akamubereka kudzimara vazobuda mudare.

Nyanzvi munyaya dzechivanhu, Sekuru Friday Chisanyu, avo vanove zvakare mutungamiriri wesangano rinomirira machiremba echivanhu, reZimbabwe National Practitoner’s Assiciation, vanoti zvinhu zvisingawanzi kuitika kuti munhu anobudirwa nemudzimu achemere ropa pamberi pechaunga chevanhu.

Vanoti kune nyaya dzavanosangana nadzo dzevamwe vanhu vanonyepera kuita kunge vasvikira vari pamatare edzimhosva senzira yekuti anzi haasiri iye akapara mhosva, asi mudzimu uri paari.

“Kakawanda vanhu vachiita madhirama akadai nekutya jeri zvekuti unotonzwa achiti handisirini ndakapumha munhu uroyi asi kuti mudzimu wasekuru vari pandiri. Asi matare edzimhosva anotarisa nyaya iripo, yevanhu vapenyu kwete zvemweya kana masvikiro,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links