‘Anoda kundibvisa hembe pane vanhu’

24 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
MURUME wekuChitungwiza akachema-chema mudare redzimhosva achiti ari kuoneswa pfumvu neaimbove shamwarikadzi yake uyo waanoti anogara achida kumubvisa hembe dzaanenge akapfeka pazere vanhu achiti ndiye akamutengera apo vaive vachiri kudanana.
Tatenda Matizira akaendesa Netsai Manowere kuHarare Civil Court.
“Ndiri kuda gwaro rinondidzivirira kubva kune musikana uyu nekuti ari kuuya kubasa kwangu achingopopota achiti ndiri rombe, ndiye aitondichengeta,” anodaro.
Anoti pose paanoonana naManowere anoedza kumubvisa hembe dzaanenge akapfeka pajekerere achiti ndiye akadzitenga nekudaro ava kudzida.
“Pataidanana, akanditengera hembe zvino ava kuti akandiona ndakadzipfeka, anondinyadzisa nekuda kundibvisa achiti ava kudzida. Ndava kunyara nekuti zvave kuita kunge ndisina hembe dzandakazvitengera,” anodaro Matizira.
Anotizve Manowere ava kupedzerawo shungu kushamwari dzake idzo ave kutukana nadzo.
“Akatsamwa, saka ava kutuka shamwari dzangu paasangana nadzo izvo zvave kuita kuti dzisade kutamba neni nekuda kwezvimwe zvemanyepo zvaari kudziudza,” anodaro.
Manowere anoti haasisina basa naMatizira asi ari kuda chete hembe dzake dzaakatora pavaidanana.
“Handisisina basa naye, tatova nemwedzi miviri tarambana. Ndinongoda hembe dzangu dzaaitora kumba kwangu, handina kunge ndakamutengera.
“Ndaimupa nekuti anenge arara kumba kwangu kuWaterfalls ndichida kuti awane hembe dzekuendesa kubasa nekuti zvaisaita kuti adzokere kumba kwake kuChitungwiza.
“Asi iye ava kuramba achidzipfeka isu takarambana, ngaadzose zvose zvandakamupa nekuti kundiramba kuramba nezvose zvandakakupa,” anodaro Manowere.
Mutongi Noah Gwatidzo akapa Matizira gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey