Uncategorized

Anoda kuti mukadzi wake arare nembwa

18 May, 2018 - 00:05 0 Views
Anoda kuti mukadzi wake arare nembwa

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
MURUME samusha akaendesa mudzimai wake kudare redzimhosva achiti ari kurarisa imbwa dzavo dzine chivanhu panze zvose nemachira emudzimu, izvo zviri kukonzera kuti iye arware nechirwere chisinganzwisisike sezvo imbwa idzi dzichifanira kupota dzichirara mumba.

Charles Katso akamhan’arira Angela Katso kuHarare Civil Court.

“Mukadzi wangu handichamunzwisisa, anouya pamba pakati pehusiku achiti abva kukereke asi mabasa ake haaenderane nemunhu anonamata,” anodaro.

Anoti Angela anomutuka zvinyadzi, anodzinga vana vake pamba uye ari kurarisa imbwa dzake nemachira emudzimu panze.

“Anotuka zvinyadzi zvekuti vana vangu vakatobva pamba nekuda kweizvozvo. Ndiri kufunga zvekugura muchato nekuti imbwa nemachira angu zvechivanhu changu haasi kugona kuzvibata zvakanaka,” anodaro.

Charles anoenderera mberi: “Ari kurova nekurarisa imbwa dzangu panze idzo dzandakamuudza kuti dzine chivanhu changu uye machira angu emudzimu akaaburitsa panze zvikaita kuti ini ndirware nemudumbu zvisinganzwisisike.”

Anoti aisada zvekuchata asi Angela akaona vamwe vake kubasa vachata akati ari kudawo muchato.

“Ini muchato ndaisauda asi iye akaona vamwe vake kubasa vachata akati ari kudawo kuchata neni. Zvino ndatova muranda nekuti pese patanetsana anenge achingoburitsa kabepa ikako,” anodaro Charles.

Angela anoti Charles anoda kuti arare nembwa muimba imwe chete izvo zvaasingakwanise kuita.

“Anoda kuti ndirare nembwa dzake mumba mumwe chete achiti ndedzechivanhu asi handikwanise kuita saizvozvo, ndozviri kuita kuti dzirare panze,” anodaro.

Anoti haana kudzinga vana asi kuti vakura zvekuti vave kuitawo zveupenyu hwavo.

“Ndakauya aine vana vake, mumwe ari kupuraimari asi izvozvi atobva zera.

‘‘Saka hapana pandingavadzinge asi kuti vave kuitawo zveupenyu hwavo,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti gwaro redziviriro ari kuridawo nekuti ari kutadziswa kuita basa rake.

“Anodzinga vanhu vanenge vauya kuzorukwa neni,” anodaro.

Mutongi Manasse Musiiwa akapa mumwe nemumwe wevaviri ava gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey