Anoda mari ye‘airtime’ pamendenenzi

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

MUKADZI wekutizwa nemurume achisiiwa nemwana akazoenda kudare achida mari yemendenenzi inosanganisira ye“airtime”.
Tapiwa Mhlanga akaendesa Howard Mangwende kuHarare Civil Court achida mendenenzi sezvo asiri kukwanisa kuriritira mwana oga.

“Baba ava vanosevenza asi havasi kuchengeta mwana. Iniwo wacho pari zvino handina kwandiri kusevenza kwandingawana mari. Ndiri kudawo $275 yekuti ndikwanise kuriritira mwana. Mari anoiwana nekuti ari kusevenza, ndilecturer pane imwe koreji uye anoita zvekuchengeta huku pamwe chete nekutenga motokari achitengesa,” akadaro Mhlanga.

“Pamari iyi ndiri kudawo yerendi, chikafu, pamwe chete neyekutenga hembe dzemwana. Pane pandinenge ndichidawo kufona-fona kwaari kumuudza kuti mwana ari sei saka ndinodawo kuti pamari yemendenenzi yacho aisewo ne$5 ye“airtime”. Nekuti chero ndikamutumira kameseji yekuti ndifonere haafoni saka ngaagare aisa futi pamendenenzi,” akadaro.

Mangwende akapikisana nemari yakataurwa naMhlanga achiti mukadzi uyu anoda zvechirungu zvakanyanya.

“Handioni sezvingaita kuti pamari yemendenenzi munhu angati anoda futi neye”airtime”, hwava hudyire nekuda kugara zvechirungu. Mari yandinokwanisa kumupa i$50 nekuti mabasa aataura ese handimaiti asi kuti ndinombopota ndichiwanawo mari. “Izvozvi ndiri kudzidzisa asi ndinopihwa mari maererano nekuwanda kwakaita vana vandinenge ndichidzidzisa zvekuti pamwedzi ndinongowana kana $80 chete. Kuwana mari kwangu hakusi kwekuti munhu angabva atoti ndinowana mari yakawanda nekuti mwedzi yacho inosiyana mawaniro andinoita.

Handina motokari dzandinotenga ndichitengesa asi kuti ndinopota ndichindotorera vanhu vanenge vatenga motokari kunze vachindipawo mari.”

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati nyaya yevaviri ava yaizodzoka mudare zvakare apo Mhlanga anofanira kuuya neumboo hwekuti Mangwende anotambira marii.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>