Anodzura muriwo kana agumbuka

29 Aug, 2014 - 09:08 0 Views

Kwayedza

Arnold Kaseke
MURUME wekunzi anogara achizvindikita mukadzi wake ozopedzera hasha dzake mukudzura muriwo mubindu akazomiswa mudare reHarare Magistrates Court.
Future Maruta akaenda kudare achida kudzivirirwa kubva kumurume wake, Christopher Moyo, uyo waanoti anogara achimurova pamwe nekudzupura zvirimwa zvake mubindu.

“Ndadzoka kuno zvakare nekuti murume wangu ari kuramba achindishungurudza achindirova uyezve achidzura zvirimwa zviri mubindu mangu. Ane hutsinye zvisingabvire, anoti kundirova obva andikanganisira bindu rangu.

Angapedzera shungu nepamuriwo here, zveshuwa?

“Anoda kuti ndibve pamba pangu achiti ndepake. Ndinogara ndichimhan’ara kumapurisa asi ndinodzoserwa kwandinenge ndabva. Ndave kutotya kuti nerimwe zuva murume uyu achandiuraya nekuti mapurisa hapana zvavari kundibatsira nazvo.

“Ndibatsireiwo kuti murume uyu asarambe achiuya pamba pangu achindishaisa rufaro. Handitodi kuona gumbo rake pamba pangu,” akadaro Maruta.

Moyo haana kuuya kudare.

Mutongi Gamuchirai Siwardie akagamuchira chichemo chaMaruta ndokuti murume wake haachabvumidzwa kusvika pamba pake uyezve kana akazvidza mutongo uyu aifanirwa kunomhan’ara kumapurisa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>