‘Anonditukira kubvunza mari’

16 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

Tatenda R. Moyo
MUKADZI wekuti anotukirirwa nemurume wake pose paanobvunzira mari yekuriritira mwana wavo akazopotera kudare.
Netsai Mudzengerere akamhan’arira Jamal Bernard kuHarare Civil Court achida mari yekuchengeta mwana uyu.

“Ndanzwa nekutukirwa pose pandinobvunza mari yekuchengeta mwana, handizivi kuti vanoda kuti ndiite sei. Ndiri kuona kuti chasara kuroverwa mari yekuchengeta mwana watakaita tese. Dai zvaibvira andipa $550 yemendenenzi pamwedzi,” akadaro Mudzengerere.

“Ndinoona sekuti ava kutora mukana wekuti hatichagari tese, ndosaka asingachadi kuriritira mwana. Chaava kungokwanisa kundipindura nemashoko ekutukirira kana ndikamubvunza nezvekuchengeta mwana. Mari iyi anoikwanisa nekuti kubasa kwake, kwaMohammed Mussa, anotambira mari yakawanda zvekuti mari yandataura inotopetwa ruviri chairwo.”

Bernard akapikisana nemashoko aMudzengerere achiti: “Ishe wangu, mari yataurwa handiikwanisi, dai vatomboti ndibhadhare $100. Mari yangu ine zvimwewo zvayakanangana nazvo kunze kwemwana uyu. Mari yaari kuda handifungi kuti inoenderana nemakore ane mwana wangu nekuti achine makore matanhatu chete. Pamari yaataura handizivi kuti anoda kuishandisei. Zvakusiri kuda kungodyawo mari yangu mahara achihwanda nezita remwana.

“Kungoti iye zvake haazivi asi ndine mumwe mwana wandinaye anoda kuriritirwa uyo wandakaita nemumwe mukadzi.” Mutongi Barbra Masinire akati nyaya yevaviri ava yaizodzoka mudare zvakare.

 

Share This:

Sponsored Links