Uncategorized

Anopenga musi we’birthday’ rake

06 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Anopenga musi we’birthday’ rake

Kwayedza

MUKOMANA wekuNew Tafara, muHarare, anoti ane dambaudziko rekupenga – kurasika njere – pazuva rebhavhadhe rake gore negore.

Anoti zvakare izvi zvinoitika zvakare apo anenge afunga kutsvaga basa uye ane fungidziro yekuti izvi zviri kukonzerwa naambuya vake.

Arshely Mulilima (22) aigara naamabuya vake amai vababa, Mbuya Cresencia Mulilima (70), panhamba 5297 Hamakubvu Circle, kuNew Tafara.

Arshely anoti vabereki vake vose vapenyu asi havamubatsire padambudziko rake.

Mukomana uyu anoti dambudziko rake rekurasika njere rakatanga apo ambuya vake vakamuti atarise mugirazi raive nejecha mukati iro raive mumbiya umo akaona chiso chake.

Asi Mbuya Mulilima havasi kufarira zviri kuitwa nemukomana uyu vachiti dzimwe nguva anovarwisa.

Arshely anotaura izvi pamusoro pababa vake, VaAnderson Mulilima: “Baba vangu havatodi kana kundiona. Ini ndini dangwe ravo pavana vashanu asi vanoti handichazi mwana wavo nekuda kwekurwara kwandiri kuita. Vave kuti vana vavo vave 4 chete, ini ndakakanzurwa nekuda kwekuti ndakavaudza kuti vambofambawo neni kuti vaone kuti chii chiri kuita kuti njere dzangu dzirasike musi webhavhadhe rangu bedzi neapo pandinege ndafunga kutsvaga basa.”

Ishmael Mulilima

Ishmael Mulilima

Opindura kuti anoziva sei kuti anorasika njere, mukomana uyu anoti, “Ndinozviona nekuti ndinenge ndava muchipatara.”

Anoti ambuya vake ndivo vaiuya nezvekudya apo akamboendeswa kuAnnex kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals uko kunochengetwa varwere vepfungwa pamwe nekuChikurubi Maximum Prison.

“Ambuya vangu ndivo mviro-mviro yekurwara kwangu. Baba ndakavataurira kuti zvinhu izvi zvakatanga apo ambuya pavakatora girazi raive nejecha mukati vakati nditarise mukati. Ndiko kusaka ndichiti ambuya vanoziva zviri kuitika kwandiri.”

Arshely anoti akaberekwa musi wa9 Chikunguru mugore 1994 uye kubvira muna 2012 anorasika njere musi webhavhadhe rake rega-rega.

“Ndadzidza kusvika Form 6 paMabvuku High ndichigona zvikuru asi handina kuzokwanisa kunyora bvunzo nekuda kwekuti ndakabva ndatanga kurwara. Ndakaendeswa kuchipatara cheParirenyatwa uko ndakanotenherwa mukamuri inogara varwere vepfungwa yeAnnex.

“Baba vangu naambuya ndivo vakandiendesako vachindipomera mhosva yekuti ndakange ndiri kuita mhirizhonga. Asi nhau ndiyoyo yekuti ndaida kuziva kuti sei ambuya vangu vakaita kuti njere dzangu dzirasike uye kuti girazi rine jecha mukati nembiya zvavakaita kuti nditarise zvaiva zveyi? Ndipo pakatangira kurwara kwangu,” anodaro.

Mbuya Cresencia Mulilima

Mbuya Cresencia Mulilima

Arshely anoti paakaendeswa kuchipatara ichi, akavhenekwa asi hapana chakaonekwa.

“Doctor pavakanditarisa musi wa3 Zvita 2015 vakangoita kuti ndipihwe mapiritsi vachiti ndinogona kunge ndiri kuwana mufaro wakawandisa kana kusuwa kwakanyanyisa zvinogona kukanganisa pfungwa. Pfungwa dzangu dzakaonekwa dzakanaka zvichitevera bvunzo dzatakapihwa,” anodaro.

Arshley anoti akamborohwa nababamudiki vake, VaIshmael Mulilima, munguva pfupi yadarika vachimupomera kuita mhirizhonga kuna ambuya vake. Nyaya iyi anoti akaimhan’ara kuMabvuku Police Station.

“Vasvika kumapurisa, vakati ini ndinopenga saka mapurisa haaifanira kuteerera zvandinotaura.”

“Ndinotofarira kunyora nekuveranga uye ndakatonyora mabhuku eupenyu hwangu ane misoro inoti Destitute, Childhood Atrocities neCosmos of Black Society asi handisati ndaenda kunoadhindisa nekuti handina mari,” anodaro.

Kwayedza yakazoshanyira ambuya vaArshley kumba kwavo kuNew Tafara vakapawo divi ravo. “Rimwe zuva akatigugudzira kuma11 akabata simbi, zvaanoita zvinotyisa nekuti kana akayera atipindira mumba tinoshaya pekuhwanda. Akabva azorohwa nababamudiki vake Ishmael tikaenda kumapurisa kwaakange amhan’ara.

“Tasvika kumapurisa, takavaudza kuti ndiye ari kutiitira mhirizhonga saka akabva angotiza. Mapurisa akatokumbira ruregerero nekuti vakatoona kuti akange ari kutaura masitetimendi akasiyana,” vanodaro Mbuya Mulilima.

Vanoti vakambofunga zvekufamba kuchivanhu kuti vaone kuti chii chiri kupengesa muzukuru wavo asi vakakundikana.

Mbuya Mulilima, avo vanonamata chechi yeZimbabwe Christian Church (ZCC), vanoti vanzwa nekutukirirwa nezvinyadzi nemuzukuru wavo uyu.

“Ndinotenda baba vepa’next door’ vari kundibatsira nekuti ndingadai ndakaparara. Anouya achida kundirova achiti ndiri muroyi, pafambi. Chii chaasingitauri?” vanodaro Mbuya Mulilima.

Vanoti Arshely akatanga achigara nevabereki vake ndokuzouya kuzogara navo apo airwara nechakare.

“Akatotanga kupenga ave Form 6 asi zvichiitika musi webhavhadheyi rake wega-wega. Ini ndakagara naye kwemakore matatu ndichimuvigira chikafu ari kuAnnex,” vanodaro.

Babamudiki vaArshely, VaIshmael Mulilima vanotsinhira kuti vakamurova mushure mekunge anetsana naambuya vake.

“Hongu, mukomana ndakamurova asi handina kumukuvadza nekuti zvinhu zvaakange ave kuita zvakaoma. Anouya pamusha pano achinetsana namuchembere zvekuti upenyu hwavo huri panguva yakaoma. Izvozvi ndatorovha kubasa nenyaya dzake. Akauya nesimbi achida kuponda mbuya ava achiti ndivo vari kumuroya,” vanodaro.

Vanoti zvinorema kuti vambofamba kuchivanhu nemwana wemukoma wavo kana ivo baba vake nyakutumbura vasingadi vachiti vanopinda chechi.

“Takambozvifunga zvekuti timbofamba kuchivanhu asi patakaudza baba vacho vakatirambira uye havana zvavanombotaura kuti nyaya yemwana wavo inge ichigadziriswa,” vanodaro.

Zvisinei, Arshely anoti ambuya nababamudiki vake vanonyepa nekuti vakatombofamba naye kuchivanhu kune imwe n’anga iri kuMabvuku, muHarare.

“Vanonyepa nekuti ivo babamudiki Ishmael, tete nagogo vakatombofamba neni kun’anga yekuMabvuku baba vangu vasingazvizive ndikapihwa mishonga yekunwa neimwe yavaindibikira muporiji. Havatauri chokwadi vanhu ivavo,” anodaro.

Zvakadai, Kwayedza yakaedzawo kuti ikurukure baba vemukomana uyu, VaAnderson Mulilima, asi hazvina kubudirira uye vakatyairwa nhare kakawanda asi yaingorira pasina anodaira.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey