Anorohwa nemukadzi wemukoma

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chipato
MUCHINDA wekugara achizvakatswa pamadiro nemukadzi wemukoma wake apo wake mukadzi nevana vanenge vakatarisa akazotizira kudare.
Garnet Muderedzwa akadhonzera Rosemary Gamadze kuHarare Civil Court achiti anogarorikitwa.

“Ishe wangu ndaona nhamo nemukadzi wamukoma wangu uyo anondirova. Tinogara pamba yevabereki vedu ini nemukoma wangu, ini ndine makamuri angu mukoma avo. Asi maiguru vanouya mumba mangu vachinditukirira pamberi pemukadzi wangu nevana.

“Midziyo yangu chaiyo vapedza kuparadza, dzimwe nguva vanotema mota yangu nematombo nekuda kwehasha dzavo. Handichina rugare nekuda kwemukadzi uyu, zvakare maitiro ake ava kukonzera kusawirirana pakati pangu nemudzimai wangu. Ndinokumbirisawo kuti dai ndawana gwaro redziviriro varega kundishungurudza,” akadaro Muderedzwa.

“Imwe nguva vakatsamwa nekuda kwekanyaya kadiki-diki vakanditukirira pamwe nekundizvuva kusvika hembe yangu yabvaruka apo vaishevedzera vachiti, ‘unoda kunditonga kunge murume wangu, zvino chiuya mumba mangu u**** neni’.

“Zvese izvi zvakaitika vana vangu vakatarisa zvekuti havachina ruremekedzo neni. Ndinovaremekedza semukadzi wamukoma saka ndisingade kuvadzosera.

“Asi ivo havana kana ruremekedzo neni. Nguva nenguva vanogara vakasungwa nekuda kwekundirova kwavanoita asi mukoma wangu anondikumbira kuti ndivaregerere vadzoke kumba.”

Gamadze akati babamudiki vake vane pamuromo nekudaro dzimwe nguva aitadzawo kuzvidzora semunhu wenyama.

“Nguva zhinji babamudiki vanoda kunditonga kana murume wangu asipo. Zvino ini semudzimai ndinenge ndava kuedza kuzvidzivirirawo. Tinonetsana pamwe nekurwa kwete zvavanotaura kuti ndinovarova, manyepo chete.

“Ndaneta nekunetsana navo zvakare vanogara vachindisungisa, ndava kuda hangu runyararo pakati pedu,” akaro Gamadze.

Mutongi Barbra Masinire akapa gwaro redziviriro kuna Muderedzwa akati Gamadze asarova kana kumushungurudza nenzira ipi zvayo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>