Uncategorized

Anoruma imbwa, mbudzi dzichifa . . .‘cup’ yangu ideheny’a remunhu’‘Ndinonwira doro imomo’

04 May, 2018 - 00:05 0 Views
Anoruma imbwa, mbudzi dzichifa . . .‘cup’ yangu ideheny’a remunhu’‘Ndinonwira doro imomo’

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wekuBikita, kuMasvingo, anoti kuti anyatsonzwa kunaka kwedoro raanonwa, ndokunge arinwira mudeheny’a remusoro wemunhu se”cup” uye kana achiuraya mbudzi kana huku, anoita  dzekudambura mitsipa nemazino ake.

VaPeter Mureza (55) — avo vanogara mubhuku raGurunhengu, kwaMambo Budzi — vanoti vanoshandisa deheny’a remusoro wemunhu kunwira doro nekuita zvimwe zvisinganzwisisike kana vagarwa nemweya.

Patricia Dzorani

Mudzimai wemurume uyu, Mai Patricia Dzorani (54) zvose nemwana wavo Hilda Mureza (33), vanotsinhira zviri kuitwa naVaMureza.

VaMureza havazi kana kumbotya kutaura kuti vanonwira doro mudeheny’a remunhu.

“Pandinozviita ndingati ndinenge ndisinganyatsoziva zvandiri, ndinenge ndakaputirwa. Ndinozongoita zvekuudzwa nevemhuri yangu nevamwewo.

“Ndakanotora deheny’a remusoro wemunhu iri mubako, iro randinonwira doro kumba kana kundari— zvimwe zvidhakwa zvichiguma zvonditiza.

“Kana zvakandikwidzira, imbwa nekatsi ndinodambura miswe uyewo ndinoruma mbudzi dzichifa. Handizive kuti mweya werudzii wakadaro uyu,” anodaro murume uyu.

VaMureza nemhuri yavo vanopinda chechi yeChitenderano Chitsva cheVapositori.

Hilda Mureza

Pavakaita hurukuro ino neKwayedza svondo rapera, VaMureza vaiva muHarare umo vaitsvaga kubatsirwa muchivanhu pamusoro pemaitiro avo.

“Ndakamboedza kuzvipedza kuchechi nekuchipatara asi pakashaikwa dambudziko uye maitiro aya akatanga apo ndaiva kubasa. Ndakatogumisira ndasiya basa nekuda kwemaitiro angu aya.”

Mai Dzorani vanoti maitiro emurume wavo anovashamisa zvikuru.

“Uku ndinoti kurwara, kungoti kwavo kune musiyano. Vainopinda mumapako ari mumakomo umo munovigwa madzishe vodzoka ikoko nedeheny’a remusoro wemunhu iro vainozoita sekapu yekunwira doro rendari.

“Izvo zvekuruma huku vachidambura misoro nekudambura miswe yembwa nekatsi ichokwadi. Mbudzi chaidzo kungobata voruma pahuro dzichifa ipapo,” vanodaro Mai Dzorani.

Vanoti maitiro emurume wavo akatanga mugore ra1983 ndokumbopera, zvikazodzoka muna 2009 “asi zvakazonyanya mukupera kwegore radarika kusvika izvozvi.

Mai Dzorani vanoti mwana wavo mukomana akatangawo kubatwa nemweya achiita zvimwe chete sezviri kuitwa nababa vake.

“Tine mwana zvakare, Mureza Mureza (35), uyo ane dambudziko rimwe chetero — kunyangwe zvake aisadambura huku misoro nemiswe yembwa neyekatsi — asi achiita zvinhu zvaisanzwisisika,” vanodaro. Mwana wavo mukomana uyu vanoti akatanga kuita izvi mugore ra2015.

“Baba vanongodambura nemazino avo misoro yehuku nemiswe yembwa nekatsi, asi havadye nyama yacho. Vanongonanzva ropa racho bedzi,” vanodaro.

Hilda anotsinhirawo achiti pamusha pavo vanogara vakazvivharira mumba kana baba vavo vasvika sezvo achiti vanodzingirira vanhu vosara voga.

“Baba vakaenda mubako riri kumusha kwedu umo vakanotora deheny’a remusoro wemunhu ravanoenda naro kudoro. Ikoko vanonodira doro ravo mukati vachishandisa kana mukombe votonwa pasina munhu anovatsiura.

“Mbudzi vanotandanisa, voruma pahuro nemazino vakaisimudza mudenga kusvikira yafa,” anodaro Hilda.

Anoenderera mberi: “Imbwa chaidzo mumusha dzaingoti dzikavaona dzaibva dzatiza kunopinda pasi pedzihozi kana kuenda musango. Nembudzi nekatsi zvimwe chete.

“Zvimwe zvidhakwa zvinoti zvikavaona vasvika padoro nedeheny’a ravo remusoro wemunhu, zvinobva zvadzvamuka kutiza. Pari zvino deheny’a iri baba vakazoridzosera kumapako vakurudzirwa kuita izvi nevakuru venzvimbo yeBikita.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>