Anozvambaradza mukadzi

17 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chipato
MUKADZI wekuzvambaradzwa pamwe nekutukirirwa neaimbova murume wake, uyo anonzi murwere wepfungwa, akatozopotera kudare.
Loveness Goredema akaendesa Boniface Zumba kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza.

Akaudza dare kuti: “Ndashaiswawo rugare nababa ava, vanondishungurudza. Ndakarambana naye makore matatu adarika zvakare takaita mwana tose, zvino anouya kumba kwangu achindishungurudza. “Ndinoziva kuti murume uyu murwere wepfungwa hake asi anonyatsoziva zvaanoita sezvo ndakambogara naye semurume wangu. Ari kundimanikidza kuti ndidzokerane naye ndikaramba ondizvambaradza pazere vanhu. “Tinogara muraini rimwe chete zvino nguva nenguva anouya pamba pedu achinditukirira pamwe nekutaura zvinonyadzisira pamberi pevabereki vangu. Mwana wake chaiye ave kutotya kutaura nababa vake.” Zumba haana kuramba mhosva akati anoda kuti vadzokerane.

“Mudzimai wangu akangobva pamba akandisiya ndiri ndega, handizivi kuti anoda kuti ndirarame sei iye asipo. Ndinoenda kumba kwevabereki vake kuti titaurirane asi iye ari kuramba kuti tidzokerane saka ndichizomurova,” akadaro Zumba.

Mutongi Brighton Pabwe akapa gwaro redziviriro kuna Goredema.

Share This:

Sponsored Links