Apedzera midziyo kushamwarikadzi

21 Aug, 2014 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chipato
MUMWE murume akadhonzerwa kudare nemukadzi wake achipomerwa mhosva yekutora midziyo yemumba achinopa shamwarikadzi dzake.
Creme Nyambuya akaendesa Earnest Mutsikiwa kuHarare Civil Court achiti anzwa nekurohwa pamwe nekushungurudzwa.

“Ndashaiswa rugare nemurume wangu, anondirova nekundishungurudza. Midziyo yangu mizhinji yemumba yapera nekuda kwake. Anotora midziyo mikuru yemumba achienda kunopa shamwarikadzi yake isu nevana tichisara tisina chekubata. Midziyo yose yaaparadza achipa shamwarikadzi yake takaitenga pamwe chete,” akadaro Nyambuya.

“Ndinokumbirisa kuti dai dare randibatsira negwaro redziviriro kuti varege kundishungurudza uye kutora midziyo yangu yandakashandira kwemakore akawanda vachipa vadiwa vavo. Anouya kumba kunze kwoedza, ndikamubvunza kwaarara anondizvambaradza pamwe nekundiudza mashoko anonyadzisira zvekuti ndava kutotya kutaura naye semurume wangu.

“Baba ava havachina hanya kana nevana vedu chaivo. Akatora TV pamwe neredhiyo akanopa shamwarikadzi yake vana vakasara vasina chekubata. Anoti vana vakamukumbira kuti vanoda kuonawo TV anovarova achivatuka mashoko akashata achifunga kuti ndini ndinenge ndavafurira,” akadaro Nyambuya.

Mutsikiwa akati haana dambudziko nekuti mukadzi wake apihwe gwaro redziviriro.

“Changamire, handina dambudziko nekuti mai ava vapihwe gwaro redziviriro asi vanondinyepera kuti ndinotora midziyo yemumba ndichipa shamwarikadzi yangu. Midziyo yandakatora ndakatengesa kuti ini nemhuri yangu tose tiwane cheuviri kwete kuti ndakapa shamwarikadzi yangu,” akadaro Mutsikiwa

Mutongi Tafadzwa Muvhami akapa Nyambuya gwaro redziviriro ndokuti vaviri ava vagarisane murunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>