Arsenal yopfeka Adidas

0

ARSENAL ichatanga kupfeka majezi anogadzirwa neAdidas kutanga gore ra2019 ichibva kune ePuma ayo yange ichipfeka bvira makore adarika.

Chibvumirano nePuma change chichiona chikwata ichi chichipihwa mari inosvika 30 miriyoni paunzi pagore kwemakore mashanu.

Chiri kupera gore rinotevera, uye Arsenal ichaona ichiwedzera mari iyi nekutanga kupfeka Adidas. Dhiri itsva iri richaona chikwata ichi chichipihwa 60 miriyoni paunzi pagore kwemakore mashanu anotevera.

Mari iyi ichabatsira murairidzi wechikwata ichi – Unai Emery – gore rinotevera pakuzotenga vatambi vatsva.

happy wheels data-ad-client="ca-pub-3993920789177136" data-ad-slot="9540808367">

Akamanikidzwa kushanda nemari shoma inovsika 70 miriyoni paunzi zvichitevera kutsiva kwaakaita Arsene Wenger.

Arsenal iri kuzama kushanda kuti igadzirise remangwana raAaron Ramsey (27).

Mutambi uyu kondirakiti yake inopera pakupera kwemwaka uno uye anogona kuenda mahara gore rinotevera.

Chelsea iri kuda kutenga Ramsey uye inogona kubhadhara mari inosvika 30 miriyoni yekuunza chizvarwa chekuWales ichi kuchikwata ichi.

Arsenal inogona kutambira mari iyi sezvayakaita mugore ra2012 apo yakatengesa Robin van Persie kuManchester United apo akange aramba kusaina kondirakiti itsva ndokuetengeswa ne22.5 miriyoni paunzi. — SportsMail Football

Share.

About Author