Arsenal yotaurirana na Theo Walcott

07 Nov, 2014 - 09:11 0 Views

Kwayedza

ARSENAL yakatanga hurukuro naTheo Walcott yekuwedzera kondirakiti yechizvarwa chekuEngland ichi. Kondirakiti yemutambi uyu, uyo ane makore 25 ekuberekwa, inotarisirwa kupera mugore ra2016 uye akatanga kutamba nhabvu svondo radarika mushure mekupedza mwedzi 10 akakuvara gumbo rake.

“Tave kutanga kugara pasi naye kuti tiite hurukuro,” akadaro maneja wemaGunners Arsene Wenger.

“Ndofunga anenge asarirwa negore rimwe chete riri pakondirakiti yake kana tasvika muna Zvita uye hazvisi nyore naye, munozviziva”.

Walcott akatamba mutambo wake wekutanga svondo radarika apo chikwata chake chakakunda 3-0 kubva paakakuvara gumbo rake mumutambo weFA Cup apo vakakunda Tottenham muna Ndira.

Chizvarwa chekuEngland ichi chakatengwa neArsenal mugore ra2006 achibva kuSouthampton uye akwanisa kunwisa ka45 mumitambo 195.

“Kuti achatamba nhabvu inodakadza here mumakore anotevera? Ndokufunga kudaro,” akawedzera Wenger.

“Ave nemakore 25. Ndomakore atinoziva kuti tichabatsirika zvikuru kubva kwaari.” — BBC Sport News

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>