Arsenal yotsiva Wilshere akakuvara

05 Dec, 2014 - 09:12 0 Views

Kwayedza

ARSENAL iri kugadzirira kutsiva Jack Wilshere uyo akakuvara gumbo rake nguva yadarika nekutenga mutambi weNewcastle United, Moussa Sissoko.

Arsene Wenger ari kuda kutenga mumwe mutambi anokwanisa kutsiva Wilshere uyo ari kutarisirwa kupora muna Kurume gore rinouya.

MaGunners akakwanisa kuhwina 1-0 svondo radarika apo akakunda West Brom musi weMugovera, asi vamwe vatambi vechikwata ichi vari kuramba vachingokuvara izvo zviri kuvadzorera shure.

Kaputeni weArsenal, Mikel Arteta, anotarisirwa kupora kupera kwegore rino zvichitevera kukuvara kwaakaita tsapfu yake.

Zvakadaro, chikwata chekuLondon ichi chinoda kutenga Sissoko uyo wavari kuona kuti anogona kumbotamba pachinzvimbo chaWilshere.

Zviri kufungidzirwa kuti Wenger anogona kuburitsa mari inosvika 15 miriyoni paunzi muna Ndira 2015 pamutambi uyo waanoyemura zvikuru matambiro ake.

Sissoko kubva paakatengwa neNewcastle mugore ra2013, ange achitamba nhabvu inodakadza kuSt James’ Park.

Kunyangwe hazvo akapihwa red card mumutambo wake wekupedzisira neWest Ham apo vakakundwa 1-0, izvi hazvimboorese mwoyo waWenger. — Express.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>