Uncategorized

‘Aya mashura padunhu’

19 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
‘Aya mashura padunhu’ VaGeorge Kandiyero

Kwayedza

Daphne Machiri

NYANZVI dzechivanhu dzinoti nyaya yekasvava kanonzi kakadyiwa mhuno, muromo neminwe kari kapenyu nezvinhu zvisina kuonekwa, mushure ndokuzofa apo chitunha chako chakazomera mazino matatu, ine chekuita nekuromba mishonga yakaipa.

VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano reZimbabwe National Traditional Healers Association (Zinatha), vanoti aya mashura padunhu.

“Aya mashiripiti, zvinoreva kuti mwana uyu aisafanira kutozvarwa, akatoberekwa ave chimwe chinhu asiri mwana chaiye. Pamwe vemudhuze vakashinhira mwana uyu kana kuti vabereki vake vakabatiswa mishonga yakaipa vasingazive zvozovadzokera. Vanofanirwa kutofamba kutsvaga zvakakonzera manenji aya,” vanodaro VaKandiyero.

Sekuru Thomas Mukunguta vanoti mwana uyu anogona kunge akadyiwa nezvikwambo.

“Zvikwambo zvinouya nepakasiyana, seapa vabereki vanoti havana chavakaona chichidya mwana wavo, saka ndizvo zvatinoti zvehusiku. Maminimini aya, zvichida vabereki vemwana uyu vane zvavakakanganisa kana wavakagumburisa. Kudyiwa kwakaita mwana uyu chitunha chake chichizomera mazino zvine chirevo kana kuti chiratidzo chekuti ‘hatina kupedzerana’,” vanodaro Sekuru Mukunguta.

Vanoyambirawo veruzhinji kuti vasiyane netsika yekuromba mishonga yakaipa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>