B and P yozvambura chikoro

03 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
B and P yozvambura chikoro

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
CHIKORO cheB and P Study Centre chiri kwaSeke chiri kurumbidzwa zvichitevera kubudirira kuri kuita vana vepo. Kwemakore matatu adarika, vana vepachikoro ichi vari kupasa bvunzo dzeGrade 7 nechikamu chiri pakati pe94ne100%.

Izvi zvakabuda pamhemberero dzakaitwa pachikoro ichi svondo rapera pakupihwa mibairo kuvana 180 vakakunda muzvidzidzo zvakasiyana.

Ava vana vakabudirira muzvidzidzo zvemabhuku, mitambo, tsika nemagariro, madhirama nezvimwe.

Vachitaura pachiitiko ichi, Mai Farai Mudita, avo vanova District Schools Inspector mudunhu reSeke, vanoti vanofara kuti B and P Study Centre ine varairidzi vakafundira basa.

“Chikoro chino chinofadza nekuti vabereki vanoona chikonzero chekubhadhara mari apo chiri kubura chikamu chiri pakati pe94 ne100% mumakore matatu akatevedzana adarika,” vanodaro Mai Mudita.

Vanotenda rutsigiro rwevabereki mudzidzo yevana.

“Ndava nenguva ndichironda mabatirwo anoitwa dzidzo pachikoro pano. Chikoro chino ndinochipembedza nekuti chiri kufambirana nehurongwa hweHurumende hweZim-Asset mukuwanisa dzidzo yemhando yepamusoro uye mukusimudzirwa kwezvivakwa,” vanodaro.

Mhemberero idzi dzakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Kutevedza gwaro idzva redzidzo kuti tive neZimbabwe yakanaka, kwakakodzera”.

Mai Mudita vanoenderera mberi vachiti nekuda kwesanduko munyaya dzeruzivo, vadzidzi vave kufundiswa kushandisa makombiyuta kubvira pagwaro reECD.

Mai Mudita vanokurudzira vabereki kuti vawane nguva yekubatsira vana pazvidzidzo zvavanopihwa kuti vanoitira kudzimba (home work) pachinzvimbo chekuti basa rose ringosiirwa kuvarairidzi.

Mukuru weB and P Study Centre, VaGodwin Mavurayi, vanoti vadzidzi vepachikoro chavo chepuraimari vari kubudirira zvinonwisa mvura.

“Mugore ra2016, vadzidzi veGrade 7 vakapasa nechikamu che94%. Muna 2015, vakapasa ne100% uye kupasa uku kunobvira mudzidzo yepasi seECD,” vanodaro.

Vicar General Bigboy Gawa vanoti vane tarisiro yekuvaka zvimwe zvikoro munyika muno senzira yekusimudzira dzidzo.

Mugore ra2018 vana vepachikoro ichi vari kutarisirwa kushanyira nyika dzakadai seFrance, England, China neUnited States senzira yekusimudzira dzidzo nenyaya dzekushanya.

Share This:

Sponsored Links