Baba Keble Prosser: Gamba redzidzo

11 Mar, 2016 - 00:03 0 Views

Kwayedza

KUPERA kwesvondo (Kurume 5) vadzidzi vanhasi, nevaimbove vadzidzi, vadzidzisi nevabereki vakaungana kuchikoro chine mukurumbiura, cheSt Augustine Mission, kwaTsambe kuPenhalonga mudunhu reManicaland.

Chinhu chimwe chete chakaunganidza vanhu vese ava: nyaradzo nokuparadzirwa kwamadota omutumbi wevaimbove mudzidzisi uye mukuru weSt Augustine Mission, Baba Keble Hugh Prosser.

Baba Prosser vekereke yeAnglican Church vakashaikira kumusha kwavo kuEngland musi wa4 Mbudzi, 2015. Mutumbi wavo wakapiswa (cremation pachiRungu) musi wa18 Mbudzi gore rapfuura.

Chido chaBaba Prosser chaive chokuti vavigwe pachikoro chavakagara kwenguva yakareba, nguva yavakaona hondo yeChimurenga ichitanga, uyewo somukuru wechikoro, pavakaona vana vakawanda vachisiya chikoro, vachienda kuhondo yeChimurenga.

Baba Prosser vakazotambirawo vana vakawanda vechikoro vaibva kuzvikoro zvakange zvavharwa pamusana pehondo.

Chakapa Baba Prosser mbiri yakadai chii? Munyori uno semumwe wevamwe vakadzidza kwaTsambe kwainzi “kuti usikazi kufunda kwaTsambe, hauzi kufundaba”, chikoro chakadzidzwa naCde Herbert Chitepo, uyewo akadzidziswa naBaba Prosser, anofara noruremekedzo rwakapihwa mudzidzisi uyu aivewo mufundisi.

Zvakakodzera nokuti Baba Prosser igamba redzidzo nehondo yorusununguko.

Vamwe vavanhu vane mabasa apamusoro-soro, varairidzi, magweta, maengineer, madhokotera, vari muchiuto, muHurumende, vanomiririra nyika kunze, navamwe, vakabva nomumaoko aBaba Prosser.

Hushingi hwavo pamwe chete nevarairidzi vaive paSt Augustine kubva pakatanga hondo yeChimurenga kusvika ipere, hwakachengetedza upenyu hwavana vakawanda. Vabereki ngavatende murume uyu nokuti akarwa kurwa kwakanaka, kwakaponesa vana vazhinji vangadai vakaurawa namasoja aSmith.

Kukoshesa kwaiita Baba Prosser dzidzo panguva iyo nyika yakange isina kugadzikana, zvaive zvinhu zvaishamisa.

Vakadzidzisa munyori uno Divinity, saka chimwe chandiri kuyeuka zvakanyanya ndechokuti mumwedzi waMbudzi vana vave kugadzirira bvunzo, Baba Prosser vaitaura zvinhu zvakaoma vachizviita kunge zviri nyore.

Vese vainyora bvunzo vaiudzwa kuti, “Kunyange ndege dzamasoja (eRhodesia) dzikapinda nemumba muri kunyorerwa bvunzo, usasimudze musoro, ramba uchinyora chete, kusvika wanzi STOP.”

Kwainge kupenga, asi zvinhu zvaibva pasi pomwoyo wavo nokuti Baba Prosser vaiziva kuti kuzvipira kunobva muushingi, uyewo kuti kana dambudziko riripo, harifuratirwe, unotarisana nokurwisana naro.

Muna Nyamavhuvhu 1979 uri musi woMugovera, murwi worusununguko Cde Tendai Pfepferere akapfurwa namabhunu, achiedza kuti vana vechikoro vasatize, pamwe chete navarwi vorusunuguko, nokuti zvaigona kuuraisa vanhu vakawanda.

Mutumbi waCde Pfepferere wakayanikwa vakapfeka ‘undewear’ chete, musoro nedumbu zvakapazwa nepfuti. Vese vana vechikoro vakange vambotiza, pavaidzokera kuGreat Hall, vaitonzi vamire kwechinguva, vachiona mutumbi wakomuredhi ava, vachiudzwawo kuti mune ramangwana, vanogona kupfurwawo kana vakasataura kuti “magandanga” auya pachikoro.

Mutumbi waCde Pfepferere uchitakurwa, Baba Prosser vakaenda vakanoviga dzimwe nhengo dzawo (uropi namatumbu), zvakange zvasara. Ndosaka Gonzo H. Musengezi akanyora bhuku rinonzi “Zvairwadza vasara”, nokuti aive mudzidzi paTsambe nguva iyoyo.

Munyori anoperekedza mweya waBaba Prosser nedzimwe nziyo dzavaifarira zvikuru. Rwokutanga, “Christian, seek not yet repose”, rwunoti:

MuKristu usanete,

Inzwa ngirozi yako,

Uri m’kati memhandu;

“Namata urinde.”

 

Hondo dzese dzedima,

Dzisingamboonekwi,

Dzinoda kukubata;

“Namata urinde.”

 

Tora mapfumo ako,

Abate misi yese,

Satan anorindira;

“Namata urinde.”

 

Rinda panguva dzese,

Ndicho chiro chikuru,

Kumbira rubatsiro;

“Namata urinde.”

 

Baba Prosser vaifarirawo kambo kanonzi “Just as I am, without one plea”:

Ini handina chiro chiduku,

Asi ropa raakandipira.

Ndakadaidzwa kuti ndiuye,

Zvino ndauya!

 

Sezvo ndauya uchanditora,

Uchaponesa, uchachenura,

Ngekuti ini ndinodavira.

Zvino ndauya.

 

Ini handine chiro chiduku

Rudo rukuru rwakandibata.

Ndiite wako zvino narini.

Zvino ndauya.

 

Zvirokwazvo Baba Prosser makabvuma kuenda pamakadaidzwa muna Mbudzi 2015, vana vechinyora bvunzo. Asi, makarwa kurwa kwakanaka, makapedza rwendo rwenyu, machengeta kutenda. Zororai murugare!

Share This:

Sponsored Links