Uncategorized

Baba machivei pamusikana webasa?

07 Nov, 2014 - 09:11 0 Views
Baba machivei pamusikana webasa? TRISH Pachivasa

Kwayedza

TRISH Pachivasa

TRISH Pachivasa

“Ukaona musikana webasa ave kuitiswa mabasa emubhedhuru akadai, ziva kuti pane mikana yekuti murume anogona kuenda zuva rakacheka nyika,” vakadaro Mai Dhon’a.

AMAI vaSusan mudzimai anoenda kubasa zvose nemurume wavo uye vane vana vatatu, vose vasati vabva zera nokudaro vakatsvaga musikana wekuti avabatsire mabasa epamba, kusanganisira kusara nepwere idzi kana ivo vasipo.

Mushure memwedzi mitanhatu, amai vaSusan vanoona kuti Chipo, musikana wavo webasa uyu, ave nepamuviri asi anoratidza kusatirimuka nazvo. Panzvimbo yekuti aende kumurume wekumupa mimba, musikana uyu anoramba achishanda pamba pavo mumusha weMsasa Park, muHarare.

Izvi zvinovashamisa uye kuvadya moyo, nekuti vanonyara vabereki vaChipo avo vari kumusha kwaMurehwa.

“Pamuviri bedzi pane Chipo, iwo maitiro ake mazuva ano handisi kuanzwisisa. Mangwanani ari kunonoka kumuka izvo aisamboita paatanga basa. Pangava paani pamuviri apa iye asingambobuda mugedhi? Zvino ndomubvunza here?” amai vaSusan vanotaura voga apo vaibata-bata midziyo vari mumba yekubikira.

Paanobvunzwa naamai vaSusan, Chipo anobvuma kuti ane pamuviri. Amai vaSusana vanobva vagara pachigaro chiri pedyo kuti vanyatsonzwa.

Asi Chipo anoramba kutaura zita remurume akamupa pamuviri. Anongotanga kuyerera misodzi pamatama izvo zvinovashamisa varidzi vemba.

Mudzimai uyu anoshevedza mumwe muvakidzani wake kuti aedze kubvunza mwana uyu vari padivi. Ndipo mukanwa maChipo munobuda mashura – anoti akamitiswa nababa vepamba apa, baba vaSusan. Ehe-e murume waamai vaSusan ndiye akazviita!

Kubva ipapa amai vaSusana vanoikwetsura mhere vachienda pabhawa riri pedyo nemba yavo uko murume wavo ainge anonwa doro neshamwari dzake. Zvakaitika ikoko dzangova nhorowondo.

Chipo akazodzoserwa kwaMurehwa kuvabereki vake avo vakapihwa mari ye”damage” nababa vaSusan. Panguva imwe cheteyo murume uyu akakumbira ruregerero kumudzimai wake ndokuvimbisa kuti aisazozviita zvakare. Akaenda naye muguta umo akanomuti asarudze masofa nemubhedha zvaaida senzira yekumuti “ndine hurombo”.

Kana baba vaSusan naChipo vakasiyana zvachose, Mwari ndivo vanoziva.

Kune vakawanda vari kusangana nemiyedzo nematambudziko akadai, apo madzimai ari kuhwapurirwa varume vavo nevasikana vebasa.

Asi mashoko anoramba ari pamiromo yevazhinji ndeokuti, “Ko chii chapinda varume ana saimba? Ruchiva here kana kuti pane zvavanoshaiswa nemadzimai avo? Nekuti dzimwe nguva ana “Chipo” vacho vanenge vari zvipurunyenye chaizvo apo amai vaSusan vari mukadzi akazara pakusikwa.

Kwayedza yakati kashe kuzvitsvaga ndokunzwa mavhu nemarara.

Mai Mercy Chigura (32), vekuMufakose muHarare, vanoti vamwe varume havagutsikane nemudzimai mumwe chete izvo zvinoita kuti vapedzisire vave kudanana kunyangwe nevasikana vebasa mudzimba mavo.

“Ndine muroora wangu akatorerwa murume nemusikana webasa asi akange achiita zvose zvaidiwa mumba. Akatomboedza zvose kugeza achipfekawo matirauzi nekupoda-poda asi hazvina chazvakabatsira, murume akangoenda zvakadaro,” vakadaro.

Mashoko avo akatsinhirwa naMai Salomu Dhon’a (43) vekuMufakose zvekare vachiti madzimai kana achinge atsvaka musikana webasa vanofanira kudzidza kumubatsirawo mabasa, zvikuru panguva iyo baba vanenge vari pamba.

“Kune mamwe madzimai anozoita husimbe izvo zvinoita kuti vashorwe nevarume vachipedzisira vave kutorerwa varume vavo nana’sisi’ vebasa.

“Unoona mudzimai achiramba akarara ozomuka hake masikati onwa tii (svutugadzike). Apedza izvi, anodzokera kunorara achikanganwa kuti murume anoda kuwachirwa, kubikirwa nekupihwa mvura yekugeza.

“Ukaona musikana webasa ave kuitiswa mabasa emubhedhuru akadai, ziva kuti pane mikana yekuti murume anogona kuenda zuva rakacheka nyika,” vakadaro Mai Dhon’a.

Vanoti vamwe vasikana vemumba vanoona panokanganiswa nemudzimai waanenge achishandira, votora mukana uyu mukuzvigadzirisa chinyayarire iri nzira yekukwezva baba vemba.

VaNick Nzou (38) vemuHarare vanoti madzimai ari mumba anofanira kuziva kuti musikana webasa munhu wavasina hukama naye, nekudaro anogona kuroorwawo nababa vemumba ivo vakatemba.

Vakati: “Ndokusaka mushakabvu Marshal Munhumumwe akaimba kuti munosiiwa mumba umu makatemba. Varume tiri pwere tinotorezvwa sevana vacheche. Mudzimai kana watsvagawo musikana webasa chizivawo kuti mubhedhuru ndemako, ndiwe unofanira kumutsvaira, kukorobha nekuwaridza mubhedha kwete kuzvisiira kumusikana webasa. Haatofaniri kutsikamo.

“Semuenzaniso, ndinogona kubva kubasa ndakaneta ndongonanga kubhedhuru kwangu ndichida kurara ndowana muine musikana webasa ari mushishi kuwaridza mubhedha wangu, munoti haisi miyedzo here? Ko iye munhu angawaridze mubhedha waasingarari here?”

VaCollen Bhito (25) vemuHarare zvakare vanoti mamwe mapfekero evasikana vebasa anoita kuti vanababa vavanoshandira vapinde pamuedzo.

“Unoona mumwe musikana akapfeka kunge hamheno, ari mumba mevaridzi zvinova zvinhu zvaasingaiti kana ari kuvabereki vake. Apa anenge achiziva kuti pamba apa pane vanhurume nokudaro anenge achida kukanganisa mafungiro avo opedzisira apfimbiwa,” vakadaro VaBhito.

Vanoti kazhinji zvinonetsa kuti vanhu varambe vachitsiura mwana asiri wavo nekuti anopedzisira ave kufunga kuti ari kushushwa.

Asi VaLorance Tsengalamwezi (23), avo vanove chizvarwa chekuMozambique vachigara kuMufakose, vanoti vamwe varume vagara vasina hunhu saka vanotora mikana yekupfimba vasikana vebasa nekuda kwekuti vanenge vachivashandira.

“Kune vamwe vanababa vasina hunhu, vanotofara kana mudzimai achinge aunza musikana webasa pamba vachitoti ndaunzirwa mudzimai wechipiri pachinzvimbo chekuti vamutore semwana wavo. Tine nyaya dzakawanda apo tinonzwa kuti baba vepamba vapindira musikana webasa mumagumbeze asi vachisiya madzimai avo arere oga.”

Vanoti ivo sen’anga, vanoingwa nemadzimai akawanda achinobvunzira nyaya dzekutorerwa varume asi kakawanda kacho zvinobuda kuti anenge atorwa nemusikana anovashandira kana kuti aimboshanda pamba pavo.

Trish Pachivasa (24) anoshora madzimai anokanganwa kuti musikana webasa munhukadziwo anoda murume.

Anoti: “Vasikana vebasa vazhinji mazuva ano vanenge ari madzimai ane vana nekudaro vanenge vachitori nehunyanzvi nezvemabatirwo emurume. Saka iwe mudzimai uri mumba ukatangisa kukanganwa mabasa aunofanira kuita unotorerwa murume wacho nemunhu waunochengeta ukazochema. Musikana webasa ngaawane mazuva ake ekuzorora achisanganawo nemudikani wake pane kuti aite sekunge ari muchizarira.”

Mai Dorcas Chakoneka (58), vekuKuwadzana Extension, muHarare vanoti dambudziko riri mudzimba zhinji nderekuti kana mudzimai achinge atsvaga musikana webasa anotanga kufunga kuti imba yose musikana ndiye ava kuona nezvayo.

“Musikana webasa anofanira kushanda mukicheni, mumba maanorara nevana nemekudyira kwete imba yese, kusanganisira bhedhuru renyu. Tinoona dzimwe dzimba musikana webasa achiwaridza mubhedha pamwe nekuwacha mashitsi. Hamuoni kuti kuisa mwana wevanhu pamiedzo? “Unoona amai vemba vachisweropenda nzwara kuti vanzi munhu akarurama asi vachitadza kuitira murume wavo zvakanaka mumba,” vakadaro Mai Chakoneka.

Vanoti ibasa remukadzi kuona kuti murume apfeke hembe dzaanenge awacha nekuchisa.

“Kana madzimai akatadza kuziva izvi varume vanotorwa, musikana onorojerwa kune rumwe rukisheni. Madzimai ngatisape varume vedu nguva yekujairana kana kutamba chiramu nevasikana vebasa nekuti ndiwo mavambo ekuzviurayira dzimba dzedu,” vakadaro.

Asi vamwe vakataurwa navo vakati iri harisi dambudziko remadzimai bedzi sezvo kuine vamwe vakadzi vanogumisira vodanana nevakomana vanovashandira mubindu kana kufudza mombe.

Share This:

Sponsored Links