Uncategorized

baba mazamu tugu!l ‘Ndiri kuyamwiwa mukaka nezvidhoma zvamadhamu

02 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
baba mazamu tugu!l ‘Ndiri kuyamwiwa mukaka nezvidhoma zvamadhamu Blessed Bepe achiratidza mazamu ake. - Mifananidzo naFreedom Mupanedemo

Kwayedza

Freedom Mupanedemo ari kuGOKWE
MURUME wekudunhu raMambo Njelele, kuGokwe, akazopotera kudare ramambo ava achida kuti anunurwe padambudziko rake rekumera mitumba yemazamu izvo zvaanoti zviri kukonzerwa nemudzimai wake.

Murume uyu anonenera mudzimai wake kuva nezvidhoma izvo zvaanoda kuti zviwane mukaka wekuyamwa pamazizamu aya.

Blessed Bepe (47) anoti ave nemakore maviri achiona ndondo nekuyamwiwa mukaka pamazamu aya nezvidhoma uye mazamu ake ari kuramba achikura, apo achimurwadza zvikuru.

“Kutopotera kwandakaita kwamambo kuno chikonzero ndechekuti ndanzwa, ndakambotanga ndichiyuwira ndichinyara kubuda pachena asi iye zvino ndazorwadziwa. Ndiri kudawo kuti mambo vashambadze nyaya yangu kuti ndiwane rubatsiro kun’anga kana maporofita,” anodaro Bepe.

Sithokozile Nkomo

Murume uyu anoti akatanga achifungidzira kuti kukura kuri kuita mazamu ake kuri kukonzerwa nekuti ainwa mapiritsi anorapa chirwere chinonzi Elephantiasis, icho chinokonzerwa neutachiona hwemajemisi (parasitic worms) anokonzera kuzvimba kwemazamu, makumbo nenhengo dzakavandika. Bepe anoti akazoshamisika achinzwa mukadzi wake achiti ane zvidhoma zvinofarira mukaka.

Nemusi weChitatu svondo rapera, mudzimai waBepe – Sithokozile Nkomo – akazomiswa pamberi pedare raMambo Njelele achipomerwa mhosva yekuroya murume wake.

Nkomo anorambisisa zvose zvaari kupomerwa uye anoti ari kutonetsekanawo kuti sei murume wake amera mazamu kunge munhukadzi.

“Handizvizive zvekuti ndinonzi ndini ndakaroya murume wangu. Ndinotoshuwirawo kuti apore uye kuti arapwe kana zvichibvira,” anodaro Nkomo.

Pakapinda nyaya iyi mudare ravo, Mambo Njelele vakaipfuudza kumazuva ari mberi vachida kupa mukana wekuti vabereki vaNkomo vadaidzwe, sezvo vachifanira kunge varipo panotongwa mwana wavo.

Vanoti ichi chishamiso chikuru mudunhu ravo kuti murume anomera mazamu uye kuti anzwe achiyamwiwa.

“Nkomo ari kuramba nyaya, naizvozvo tambomisa dare kuti tidaidze vabereki vake. Dunhu rese rinoti Nkomo muroyi, vari kuti ngaabve munzvimbo yavo saka ndiyo imwe yenyaya dzatiri kuedza kugadzirisa,” vanodaro Mambo Njelele.

Share This:

Sponsored Links