Uncategorized

‘Baba munofurirwa namhamha’

24 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
VAMWE baba vanoti vari kugara vakabatira hana yavo mumawoko nekuda kwemaitiro emwanakomana wavo uyo wavanoti vakamutuma kana kumutsiura, haavatereri asi kuti anobva avatyisidzira achiti anogona kana kuvapisira mumba.
Mockson Diuza akamhan’arira mwana wake William Danzon kudare reHarare Civil Court achikumbira kudzivirirwa.
“Ndiri kuda gwaro rekuchengetedzwa kubva kumwana wangu nekuti ari kundityisidzira achiti anoda kundipisira mumba kana ndichinge ndamutuma kana kumutsiura,” anodaro.
Anoenderera mberi achiti haaone chaari kutadza nekuti mwana uyu ari kugara pamba pake nemukadzi wake.
Danzon anoti haana dambudziko nababa vake asi ari kuda kuti vasaterere mukadzi wavo mudiki uyo waanoti ndiye ari kuvafurira.
Mutongi Noah Gwatidzo akapa Diuza gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links