Uncategorized

Baba vaye havafunge, vakafa njere

19 Oct, 2018 - 00:10 0 Views

Kwayedza

INGUVA zhinji dzandinonzwa vanhu vachituka kana kushoropodza vamwe vachiti, “Baba vaye havafunge, vakafa njere.”

Saka kune vanhu vanoverengwa pavapenyu, asi mumaziso evamwe vachionekwa sezvitunha zvinofamba? Zvichimbofamba sei?

Kufunga kwakakosha uye kunodiwa zvikuru muhupenyu. Asi zvakakosha kuti tigare tabatsirana kuti kufunga kwandiri kutaura nezvako hakusi kuye kunokwidza BP. Handisi kutaura zvekufunga kwekunetseka.

Kufunga kwandiri kutaura nezvako kufunga kwekushandisa pfungwa kuti munhu aite zvinhu zvisina kumboitwa. Kushandisa pfungwa kugadzira poto ine mubato kuti vanhu vagobikira, vagobata mubato vachimona sadza kana kuti vachiibura pamoto.

Zvinoita sekuti muhupenyu hwedu kune vamwe vanofunga kuti basa rekufunga rinofanira kuitwa nevanhu vashoma.

Dai tisina vanhu vanofunga, vanogadzira tingadai tisina zvinhu zvakawanda. Tingadai tisina zvipfeko, midziyo nezvimwewo zvinhu zvakagadzirwa.

Asi nekuda kwekuti munhu akasikwa nemufananidzo waMwari, uye ane mweya waMwari, zvinoreva kuti munhu akasikwa neMusiki kuti naiyewo ashandise mweya weMusiki wekusika.

Kufunga tichisika ibasa ratakapihwa naMwari. Uye nekuti tine pfungwa, hatingoperera pakufunga chete, asi tine basa rekucherechedza, kupenengura, kuronga nekunatsurudza.

Chipo chekufunga ndicho chinotipa kuti tigadzire zvinhu zvisati zvamboonekwa. Asika, pakati pedu pane vamwe vanorambidza kuti zvinhu zvitsva zvifungwe nekuti vajaira zviripo.

Asi nyangwe tichifanirwa kufunga nekushandisa pfungwa dzedu, kune mamwe mafungiro anoda kuchenjererwa nekuti anogona kuuraya munhu ari kufunga wacho pamwechete nevaanogara navo.

Pakati pedu pane vamwe vane pfungwa dzinofunga kukwidza mitengo yezvinhu vachishandisa mafoni avo. Sezvakataurwa kuna Zvirevo kuti:

“Simbe inoti, “Kune shumba kunzira, shumba inotyisa iri kufamba-famba munzira dzomumusha!”

Segonhi rinotenderera pamahinji aro, ndizvo zvinoita simbe pamubhedha wayo. Simbe inoisa ruoko rwayo mundiro; inoita usimbe hwokutadza kurudzosera kumuromo wayo. Simbe inozviti yakachenjera pakuona kwayo kupfuura vanhu vanomwe vanopindura nenjere.”

Pfungwa dzesimbe dzinoshanda, asi zvadzinofunga zvinokodzeka hurombe semukaka. Simbe inofunga zvinhu zvinoisimbisa pahusimbe hwayo.

Mumusoro mesimbe mune pfungwa inoudza vanhu kuti “kune shumba iri kufamba-famba munzira dzemusha,” saka nekuda kwekuti kunze kune shumba yagadzirwa nepfungwa dzesimbe, inobva yawana chikonzero chekurega kuenda kunoshanda.

Variko vane pfungwa dzakadai, pfungwa dzinogadzira shumba isipo zvekuti inopedzisira yave kuita seiripo. Variko vanoti mafuta ekubikisa anzi ave kuita $25 pa2 litres.

Asi kana mukatarisisa simbe iyi, muchashamisika kuti inofunga kuti yakachenjera zvikuru kudarika vangwaru.

Kuchenjera kwesimbe kuri pai? Kuri mukufunga kuti kune shumba inonzi kukwira kwemitengo.

Sekuona kwesimbe, kugona kufunga shumba isipo kuti iite seiripo kufunga kunoshamisa kwazvo. Asi kufanana nemukadzi atora murume wemumwe mukadzi akatanga kugara naye, chokwadi chinongoramba chiri chekuti murume iyeye haasi wako. Murume iyeye wamuwana nenjere dzisingafunge.

Kana pfungwa dzako dzasvika pakufunga kwakadai, ziva kuti ipfungwa dzinoisa manyepo panzvimbo yechokwadi.

Pfungwa idzodzo dzinourayisa nekuti hausisiri mweya waMwari uri kushanda, asi mweya wehunyengeri nekuparadza.

Uri kushandisa pfungwa dzako kufunga chii chitsva chinoratidza kuti wakasikwa neMusiki kuti newewo ugosika zvitsva, zvisati zvamboonekwa uchiratidza zvishamiso zvekusika zviri muMusiki akatisika.

Usaite pfungwa dzinosika shumba dzisipo, shumba dzesipo! Ita pfungwa dzinoimba kuti, “Ndinoshamiswa kwazvo namabasa makuru, akaitwa nemi (Mwari), ose anorumbidzwa!”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>