Uncategorized

back to sender . . .‘Chivi ngachidye mwene wacho’ … ‘Zvakaipa, unenge watoroyawo’

20 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Daphne Machiri —
VERUZHINJI vari kupa mafungiro akasiyana pamusoro pezviri kuitwa nemamwe maporofita nen’anga avo vari kudzosera zvinhu zvakaipa zvinenge zvatumirwa kunoroya kana kuti kunokuvadza vamwe vanhu nekuzvidzosera kuvaridzi vazvo — iya inonzi “Back to Sender”.

Panotova nemuporofita wemuHarare akabuda muKwayedza svondo rapera pamberi achiti pamwedzi ari kukonzera kufa kwevanhu vanosvika 20 achiita zvekudzorera zvinhu zvakaipa zvavanenge varoyesa kana kukuvadzisa vamwe.

Back to Sender inzira inonzi inoshandiswa nemaporofita nen’anga kudzosera zvakaipa — ingava mishonga inokuvadza, mheni kana zvikwambo — kumunhu anenge ambozvitumira kune mumwe nechinangwa chekuda kumukuvadza kana kumurwisa.

Bishop Oliver Magaso, avo vanotungamirira chechi yeSpiritual Shield Apostolic Church iri kuHatcliffe, muHarare vanoti kushandisa nzira ye “Back to Sender” izvo zvakonzeresa kufa kwevanhu “vakawanda, kuma2 000 vanosvika”.

Asi Bishop Magaso handivo bedzi vari kuita izvi, kune maporofita nema”prophet” emachechi ari kungonyuka avo vaita mbiri nechishandisa tsika iyi.

Kwayedza yakataura neveruzhinji pamusoro pemaitiro aya ndokuudzwa zvakasiyana – vamwe vanozvitsigira nevari kuzvishora vachiti chivi hachigadziriswe nechimwe chivi.

Talent Nyandoro (28) anoti Back to Sender yakanaka asi nekune rimwe divi yakaipa.

“Back to Sender ndinoona chiri chinhu chakanaka nekuti nyika yatiri kurarama yava kutyisa, ine vanhu vanoda kurarama nesimba revamwe pamwe nenjere dzevanhu. Nekuoma kwaita nyika, vamwe vanhu vave kunoromba vachida kushandisa pamwe nekutambudza mweya yevamwe,” anodaro Nyandoro.

Zvisinei, anoti Back to Sender inonetsawo pakuti munhu anogona kupihwa mishonga yakaipa asingazive apo anenge achitsvaga rubatsiro kun’anga kana kumaporofita – ozoguma onzi akaromba.

“Kunovawo nemaporofita anofembera-fembera nen’anga dzenhema, avo vanopa vanhu mishonga yakaipa vasingazive iyo inozovatambudza mangwana ichikuvadza vangave vehukama. Saka pakadai ukashandisirwa Back to Sender unokuvadzwa asi pasina zvaunenge uchiziva,” anodaro Nyandoro.

Victoria Muzeketwa (56) anoti back to sender haina kunaka sezvo zvisina kumbosiyana nehuroyi.

“Kunyangwe watadzirwa zvakaita sei, hazviite kuti munhu auraye nekuti anotonga ndiMwari, kwete isu vanhu venyama. Bhaibheri rinoti usauraye,” anodaro Muzeketwa.

Luckmore Sikamali (43) anoti Back to Sender yakanaka zvikuru.

“Ini chaiye ndakambotumirwa mheni kumusha kwangu kwaMutasa, asi mheni yakashaya pekurova ikapedzera hasha mumunda maive nezvirimwa. Ini kusvika pandiri yakashaya simba nekuda kwekuti ndaida kukuvadzwa nemunhu wandisina mhosva naye. Saka pakadaro ndorega kuti ane zvaakabata afe? Ndinotodzorera,” anodaro Sikamali.

Mashoko ake anotsinhirwa naShepherd Tarusarira (18) achiti: “Vanhu vave kuromba. Tichitarisa vechidiki vemazera edu tinogona kupihwa zvakaita sehuroyi nekusaziva. Saka kana ndikafambawo ndakura ndikazvibata zviri nani zvidzokere kwazvakabva,” anodaro Tarusarira.

Taurai Tumbare (37) anoti munhu ane hutsinye nevamwe anofanirwa kuitirwawo hutsinye agonzwa kurwadza kwazvo.

“Munhu aita chinhu chakashata ngaadzorerwe matadzo ake apfidze,” anodaro.

Maidei Makope (45) anotiwo Back to Sender ine zvayakanakira nekuipira.

“Kurudziro yangu ndinoti vanhu ngavarege kubata kana kuromba mishonga yakaipa asi nerimwe divi munhu ngaafe nezvinhu zvake nekuti vanhu vasina chavakabata vari kutambudzwa nevakaromba,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey