Uncategorized

back to sender: ‘ndinouraya vanhu 20 pamwedzi’

06 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
back to sender: ‘ndinouraya vanhu 20 pamwedzi’

Kwayedza

Daphne Machiri —
MUPOROFITA wemuHarare ane mbiri kune avo vanotenda zvechivanhu, anoti pamwedzi ari kukonzera kufa kwevanhu vanosvika 20 achiita zvekudzosera zvinhu zvakaipa zvavanenge varoyesa kana kukuvadzisa vamwe kuburikidza nenzira yava kuzivikanwa nekuti “back to sender”.

Back to sender inzira inonzi inoshandiswa nemaporofita nen’anga kudzosera zvakaipa — ingava mishonga inokuvadza, mheni kana zvikwambo — kumunhu anenge ambozvitumira kune mumwe nechinangwa chekuda kumukuvadza kana kumurwarisa.

Zvikadzoserwa, zvinhu izvi zvinonzi zvinozonopedzera shungu kumuridzi wazvo.

Bishop Oliver Magaso, avo vanotungamirira chechi yeSpiritual Shield Apostolic Church iri kuHatcliffe, vanoti kudzosera huroyi kumuridzi wahwo hakuna kuipa uye ivo vari kuzviita kakawanda zvekuti pamwechete, vakonzeresa kufa kwevanhu vanosvika “kuma2 000 uko”.

“Ini changu vanhu vakauya nematambudziko avo, kungonamata kuna Musiki ndichiti, ‘Go back to sender’ zvichireva kuti zvinhu zvakaipa izvi zvinobva zvadzokera kuna iye muroyi wacho. Ukasauya kuzoreurura unofa chete, apo handidzokere shure.

“Pamwedzi, vanhu vari kufa kuburikidza neGo back to sender yangu, aaaa vakawandisa, kuma 15 kana 20. Vamwe ndeve kuSouth Africa, Gabon, DRC, South Korea, UK nemuZimbabwe. Nhasi chaiye pane vabva kuDomboshava vachiti mukadzi watakaitira go back to sender pakatsi dzake mbiri afa, matosvika vachangobva pano.

“Hazvina kumboipa, Mwari haatendere munhu kuuraya munhu saka ngavafe. Chawakuvadzisa munhu ndicho chatinokudzosera, kana iri tsaona yemota tinoitawo kuti iwe ufe netsaona,” vanodaro Bishop Magaso.

Vanoenderera mberi: “Ndakawana zodzo mugore ra1989. Vakawanda vanouya nematambudziko akaita sekutemerwa chiga cherufu, kusundirwa mweya wekuti vaite tsaona nekusaroorwa kana kuroora. Vamwe vanoromba zvekuitisa vana vevamwe marombe nemhepo dzakashata. Zvose izvi ndinodzosera kuvaridzi vazvo — vonopedzerana.”

Bishop Magaso vanoti pakuita go back to sender, vanoshandisa zvinhu zvinosanganisira maremani, mukaka, mazai nemachira matsvuku.

(KUBVA KURUBOSHWE) CLARA CHENJERA SARAH CHENJERA NA MATILDA CHENJERA

Vanoti jira dzvuku rinodiwa zvakanyanya pakuita izvi nekuda kwekuti ndiro rinorwisana nemweya yakakaipa.

Vatori venhau vakaratidzwa nzvimbo iri pedyo nedhamu reko apo pazara nemachira matsvuku nezvimwe zvinhu zvinoraswa, zvichitozopiswa neve munharaunda nekuda kwekuti zvawandisa.

Vanoziva nezviri kuitika vari kuti pari kukandwa zvinhu izvi handipo sezvo zvave kukanganisa mvura yemudhamu zvekusvika pakuuraya hove dzemo.

Muporofita uyu anoti ari kubatsira vanhu vanosanganisira vaimbi, vakuru vemachechi, vezvematongerwo enyika nevatambi venhabvu avo vanoenda kwaari vachida kushandirwa.

“Pano hapana asingauye, vaimbi vanouya kunyanya mazuva akaita seChina vasati vaita mashoo avo.

‘‘Vatambi vebhora vanouyawo kuzoshandirwa nekuti mumagiraundi ebhora mavanotambira mune vamwe vanenge vaine mishonga zvekuti kunyangwe uri shasha yakaita sei, unogona kupedza gore usina kana kunwisa chibodzwa chimwe chete,” vanodaro Bishop Magaso.

Vanoti vanhu vavanoshandira vane mari yavanobhadhara.

“Wose anouya kuzobatsirwa anobhadhara yatinoti church development fee, iyo yatinozoshandisa kuvandudza kerereke yedu nekuti kune vamwe vanobva kunze kwenyika sekuKorea, Japan nekuUnited Kingdom avo vanenge vachigara kuGuest House yedu uko kwatinovabikira chikafu vachibatsirwa,” vanodaro.

Kwayedza yakaitawo hurukuro nemhuri yekwaChenjere, iyo yakawanikwa iri kumuporofita uyu yaenda nemwana anorasika njere uyo wavanoti akaporeswa nemuporofita uyu achishandisa go back to sender.

Mai Sarah Chenjere vanoti mwana wavo — Matildah Chenjere — akatanga kurwara apo aigara nemukoma wake, Clara Chenjere.

“Ndakatambura chaizvo kuti Matildah apone. Aingotanga kumhanya nemugwagwa kana achinge abudirwa nemweya waiva paari uchidevedzera kuti, ‘Ndoda kufa, ndoda kutsikwa nemota’. Taitadza kana kumubata akatanga kumhanya, ndipo pandakaona kuti zveshuwa mwana arasika njere,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Ndakazouya kuno mushure mekuudzwawo nezvaBishop Magaso uye nekunge ndaonawo vamwe vaimbove varwere vepfungwa vataitoona vachimhanya bani avo vakange vaporeswa.”

Mashoko avo anotsinhirwa naClara achiti munin’ina wake akabatsirwa. “Zvaiti kana zvamubata, Matildah aigona kungoswera achimhanya zuva rose uye hapana aikwanisa kumubata nekuda kwehukasha hwaive nemweya waisvika paari,” anodaro Clara.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey